Shona

1 Thessalonians

5

1Asi zvenguva nemwaka, hama, hamufaniri kuti ndikunyorerei,2Nekuti imwi mumene munoziva kwazvo kuti zuva raIshe rinosvika sembavha usiku.3Nekuti kana vachiti, Rugare nekugarika, pakarepo kuparadzwa kunovawira, sekurwadzwa kwemukadzi une mimba; uye havangapukunyuki.4Asi imwi, hama, hamusi murima, kuti zuva iro rikubatei sembavha.5Imwi mose muri vana vechiedza nevana vemasikati; hatizi veusiku kana verima;6naizvozvo ngatirege kuvata sevamwe, asi ngatirinde, tipengenuke.7Nekuti vanovata vanovata usiku; nevanodhakwa vanodhakwa usiku.8Asi isu zvatiri vemasikati, ngatipengenuke, tichipfeka chidzitiro chechifuva cherutendo nerudo; nengowani ive tariro yeruponeso.9Nekuti Mwari haana kutitemera hasha, asi kuwana ruponeso naIshe wedu Jesu Kristu10wakatifira, kuti kana tikarinda kana kuvata, tirarame pamwe naye.11Saka nyaradzanai, musimbisane, sezvamunoitawo.12Asi tinokukumbirisai, hama, kuziva avo vanoshanda pakati penyu, vanokutungamirirai muna Ishe, nekukurairai;13uye muvakudze zvikuru murudo, nekuda kwebasa ravo. Ivai nerugare pakati penyu.14Asi tinokukurudzirai hama, yambirai vasingateereri murairo, musimbise vanopera moyo, mutsigire vasina simba, muve nemoyo murefu kune vose.15Chenjerai kuti mumwe arege kutsiva mumwe zvakaipa nezvakaipa; asi nguva dzose teverai zvakanaka, zvose pakati penyu nekune vose.16Farai nekusingaperi;17nyengeterai musingamiri;18vongai pazvinhu zvose; nekuti ichi ndicho chido chaMwari muna Kristu Jesu maererano nemwi.19Musadzima Mweya;20musazvidza zviporofita;21idzai zvinhu zvose; mubatisise zvakanaka;22regai zvose zvinoonekwa zvakaipa.23Iye Mwari werugare amene ngaakuitei vatsvene zvakazara; neMweya wenyu wose, nemoyo, nemuviri, zvichengetwe zvisina zvazvingapomerwa pakuvuya kwaIshe wedu Jesu Kristu.24wakatendeka iye unokudanai, uchazviitawo.25Hama tinyengetererei.26Kwazisai hama dzose nokutsvoda kutsvene.27Ndinokupikirai naIshe, kuti tsamba iyi iverengerwe hama tsvene dzose.28Nyasha dzaIshe wedu Jesu ngadzive nemwi.