Shona

2 Thessalonians

1

1Pauro naSirivhano naTimotio; kukereke yevaTesaronika muna Mwari baba vedu, naIshe Jesu Kristu:2Nyasha kwamuri nerugare runobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu.3Tinosungirwa kuvonga Mwari nguva dzose pamusoro penyu, hama, sezvazvakafanira, nekuti rutendo rwenyu rwunokura zvikurusa, nerudo rweumwe neumwe wenyu kune umwe neumwe rwunowanda;4nekudaro isu tomene tinozvirumbidza mamuri mukereke dzaMwari pamusoro pemoyo murefu wenyu, nerutendo mukushushwa kwenyu kose nematambudziko amunotsunga maari.5Ndicho chiratidzo chekutonga kwakarurama kwaMwari, kuti muverengwe semakafanirwa neushe hwaMwari, hwamunotambudzikirawo;6sezvo chiri chinhu chakarurama kuna Mwari kutsiva dambudziko kune vanokutambudzai,7uye kwamuri munotambudzwa, kuzorora pamwe nesu, pakuzarurwa kwaIshe Jesu, achibva kudenga nevatumwa vesimba rake,8mumurazvo wemoto achitsiva avo vasingazivi Mwari, nevasingateereri evhangeri yaIshe wedu Jesu Kristu;9ivo vacharangwa nekuparadzwa kusingaperi, vabviswe pamberi paIshe, nepakubwinya kwesimba rake,10kana achiuya kuzorumbidzwa muvatsvene vake, nekuyemurwa mune vose vanotenda; (nekuti kupupura kwedu kwamuri kwakatendwa) nezuva iro.11Naizvozvo tinokunyengetereraiwo nguva dzose, kuti Mwari wedu akuverengei semakafanirwa nekudamwa uye azadzise kuda kose kwakanaka kweunaku hwake nebasa rerutendo nesimba;12kuti zita raIshe wedu Jesu Kristu rirumbidzwe mamuri, nemwi maari, zvichienderana nenyasha dzaMwari wedu nedzaShe Jesu Kristu.