1Zvino tinokukumbirisai, hama, maererano nekuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu, nekuvunganira kwedu pamwe kwaari,2kuti murege kukurumidza kuzununguswa mufungwa, kana kuvhunduswa kana nemweya kana neshoko, kana netsamba ino seinobva kwatiri, sezvinonzi zuva raKristu ratosvika.3Ngakurege kuva nemunhu unokunyengerai nemutowo upi neupi; nekuti harisviki kana kuwa kusati kwatanga kusvika, uye kuti munhu wechivi aratidzwe, mwanakomana wekuparadzwa,4unopikisa nekuzvikudza pamusoro pezvose zvinonzi Mwari, kana zvinoshumirwa; zvekuti iye saMwari unogara mutembere yaMwari, achizviratidza kuti ndiMwari.5Hamurangariri here kuti ndichiri nemwi ndakakuudzai zvinhu izvi?6Asi zvino munoziva chinodzivisa kuti aratidzwe munguva yake.7Nekuti chakavanzika chekusava nemurairo chotoshanda, chete uyo unodzivisa ikozvino uchadaro kusvikira achibviswa panzira.8Ipapo iye usina murairo ucharatidzwa, iye ishe waachauraya nemweya wemuromo wake, uye waachaparadza nekuonekwa kwekuuya kwake;9iye kuuya kwake kwakaita sekuita kwaSatani nesimba rose nezviratidzo nezvinoshamisa zvenhema,10nekunyengera kose kwekusarurama muna avo vanoparara; nekuti havana kugamuchira rudo rwechokwadi kuti vaponeswe.11Uye nekuda kwaizvozvi Mwari uchavatumira simba rekukanganisa, kuti vatende nhema;12kuti vose varashwe vasina kutenda chokwadi, asi vakafara mukusarurama.13Asi isu tinosungirwa kupa kuvonga kuna Mwari nguva dzose pamusoro penyu, hama vadikamwa vaIshe, nekuti Mwari kubva pakutanga wakakusarudzirai ruponeso kubudikidza nekuitwa vatsvene kweMweya nerutendo rwechokwadi.14Izvo zvaakakudanirai neEvhangei yedu, pakuwana kubwinya kwaIshe wedu Jesu Kristu.15Naizvozvo, hama, mirai makasimba, mubatirire dzidziso yamakadzidziswa, kana neshoko kana netsamba yedu.16Zvino Ishe wedu Jesu Kristu omene, naMwari, kunyange Baba vedu vakatida, vakapa kuvaraidzwa kusingaperi netariro yakanaka kubudikidza nenyasha,17anyaradze moyo yenyu, nekukusimbisai pashoko roga roga rakanaka nepabasa.