1Pakupedzisira, hama, tinyengetererei, kuti shoko raIshe rimhanye nekukudzwa kunyange sezvinoitwa nemwi;2uye kuti tisunungurwe kuvanhu vasakarurama nevakaipa; nekuti rutendo harwusi rwevose.3Asi Ishe wakatendeka, uchakusimbisai, nekukuchengetai kune wakaipa.4Uye tine chivimbo muna Ishe maererano nemwi, kuti munoita zvinhu zvose zvatinokurairai uye muchazviita.5Asi Ishe ngaatungamirire moyo yenyu murudo rwaMwari, nemumoyo murefu waKristu.6Zvino tinokurairai hama muzita raIshe wedu Jesu Kristu, kuti muzviraure pahama imwe neimwe inofamba zvisakafanira uye kwete nemirairo yamakagamuchira kwatiri;7Nekuti imwi mumene munoziva kuti munofanira kutitevera sei, nekuti hatina kufamba zvisakafanira pakati penyu;8uye hatina kudya chikafu chemunhu pachena, asi takashingaira nekushanda nekutambudzika siku nesikati, kuti tisava mutoro kune umwe wenyu;9kwete nekuti hatina mvumo, asi kuti tipe muenzaniso kwamuri kuti mutitevere.10Nekuti kunyange pataiva nemwi, takakurairai izvi, kuti: Kana umwe asingadi kushanda, ngaarege kudyawo.11Nekuti tinonzwa kuti kune vamwe vanofamba pakati penyu zvisakafanira, vasingatongoshandi zvachose, asi vachiita zvisina maturo.12Zvino avo vakadaro tinoraira nekukurudzira kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu, kuti vashande nekunyarara vadye chikafu chavo.13Asi imwi, hama, musaneta pakuita zvakanaka.14Asi kana ani nani asingateereri shoko redu netsamba iyi, mutarisise munhu uyo, kuti murege kufambidzana naye, kuti anyare;15uye musamuidza semuvengi, asi mumuraire sehama.16Zvino, Ishe werugare amene ngaakupei rugare nguva dzose nemitoo yose. Ishe ngaave nemwi mose.17Kwaziso neruoko rwangu, ini Pauro, ndicho chiratidzo patsamba dzose; ndinonyora saizvozvo.18Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi mose. Ameni.