Shona

1 Timothy

1

1Pauro, muapositori waJesu Kristu nekuraira kwaMwari Muponesi wedu, nekwaIshe Jesu Kristu, tariro yedu,2kuna Timotio mwana wangu chaiye parutendo: Nyasha, tsitsi, nerugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu naJesu Kristu Ishe wedu.3Sezvandakakukurudzira kuti ugare paEfeso, ndichienda Makedhonia, kuti uraire vamwe kuti varege kudzidzisa dzimwe dzidziso,4kana kurangarira ngano nenhoroondo dzamazita emadzibaba dzisingaperi, zvinomutsa gakava pane kutsigisa kwaMwari kuri murutendo.5Asi chinangwa chemurairo rudo rwunobva pamoyo wakachena nehana yakanaka nerutendo rwusinganyepedzeri;6pane izvozvi vamwe vakatsvedza vakatsaukira kukutaura kusina maturo;7vachishuva kuva vadzidzisi vemurairo, vasingazivi zvavanoreva kana zvavanosimbisa.8Asi tinoziva kuti murairo wakanaka, kana munhu achiushandisa zviri pamurairo,9achiziva izvi, kuti murairo hauna kuitirwa munhu wakarurama, asi vasina murairo nevasingateereri, vasingadi Mwari nevatadzi, vasiri vatsvene, nevasingatendi, nemhondi dzemadzibaba, nemhondi dzana amai, vanoponda vanhu;10mhombwe, ngochani, nevanopamba vanhu, varevi venhema, vaputsi vemhiko, uye kana chimwe chiriko chinopesana nedzidziso mhenyu;11sezvinoreva evhangeri yekubwinya kwaMwari wakaropafadzwa, yakakumikidzwa kwandiri.12Uye ndinomuvonga Kristu Jesu Ishe wedu wakandigonesa, nekuti wakati ndakatendeka, akandiisa paushumiri,13Ini ndaimbova munyombii nemushushi nemutuki; asi ndakawana tsitsi nekuti ndakaita nekusaziva pakusatenda;14asi nyasha dzaIshe wedu dzakawedzeresa nerutendo, nerudo rwuri muna Kristu Jesu.15Ishoko rakatendeka rinofanira kugamuchirwa chose, kuti Kristu Jesu wakavuya munyika kuzoponesa vatadzi, avo vandiri mukuru wavo;16asi nekuda kwaizvozvi ndakawana tsitsi, kuti mandiri ini mukuru Jesu Kristu aratidze moyo murefu wose, uve muenzaniso kuna vanozotenda kwaari, paupenyu hwusingaperi.17Zvino kuna iye Ishe wekusingaperi, usingafi, usingavonekwi, Mwari woga wakachenjera ngakuve nekukudzwa nekubwinya kusvikira rinhi narinhi. Ameni.18Murairo uyu ndinokumikidza kwauri, Timotio mwana wangu, sezviporofita zvakatanga kuitika pamusoro pako, kuti nazvo urwe kurwa kwakanaka;19wakabata rutendo nehana yakanaka, iyo vamwe vakati vairasa zvichienderana nerutendo vakaputsikirwa nechikepe;20vamwe vavo ndiHimenio naArekizandro, vandakakumikidza kuna Satani, kuti vadzidze kusanyomba.