Shona

1 Timothy

2

1Naizvozvo pakutanga kwezvose ndinokurudzira kuti mikumbiro, minyengetero, kureverera nekupa kuvonga zviitirwe vanhu vose;2Nekuti madzimambo nevose vari panzvimbo dzakakwirira kuti tigare upenyu hwerugare nerunyararo pauMwari hwose nerukudzo;3nekuti izvi zvakanaka uye zvinogamuchirwa pamberi paMwari Muponesi wedu,4uyo unoda kuti vanhu vose vaponeswe, uye vasvike pakuziva chokwadi.5Nekuti kuna Mwari umwe, nemurevereri umwe pakati paMwari navanhu, ndiye munhu Kristu Jesu,6wakazvipa amene kuva rudzikunuro rwevose, chive chapupu panguva dzakafanira,7icho chandagadzirwa kuva muparidzi nemuapositori (ndinoreva zvirokwazvo, muna Kristu, handirevi nhema), mudzidzisi wevahedheni parutendo nechokwadi.8Naizvozvo ndinoda kuti varume vanyengetere panzvimbo dzose, vachisimudza maoko matsvene, vasina kutsamwa nekupikisana.9Saizvozvowo, kuti vakadzi vazvishongedze nezvipfeko zvakafanira, vane kunyara nekuzvidzora, kwete nevhudzi rakarukwa, kana ndarama, kana maparera*, kana nguvo dzinodhura,10asi zvakafanira vakadzi vanoti vanoshumira Mwari nemabasa akanaka.11Mukadzi ngaadzidze mukunyarara nekuzviisa pasi kose.12Asi handitenderi mukadzi kuti adzidzise, kana kuti ave nesimba pamusoro pemurume, asi ave mukunyarara.13Nekuti Adhamu wakatanga kuumbwa, tevere Evha;14naAdhamu haana kunyengerwa, asi mukadzi anyengerwa wakava mukudarika,15asi vachaponeswa kubudikidza nekubereka vana, kana vachirambira murutendo nerudo, neutsvene nekuzvidzora.