1Ishoko rakatendeka rekuti: Kana munhu achishuva basa reutariri, unoshuva basa rakanaka;2naizvozvo mutariri unofanira kuva usina chaangapomerwa, murume wemukadzi umwe, wakangwara, wakasvinura, unozvibata, unoitira vaeni rudo, unoziva kudzidzisa,3usiri chidhakwa, usingafariri kurwa, usingakariri mibairo yakaipa; asi wakadzikama, usina gakava, usingakariri mari;4unobata imba yake zvakanaka, une vana vanozviisa pasi nekukudza kose;5Nekuti kana munhu asingazivi kubata imba yake, ungachengeta sei kereke yaMwari?6Asava mutendi mutsva, kuti zvimwe nekukudzwa angawira mukutonga kwadhiabhorosi7Uyezve unofanira kupupurirwa zvakanaka nevari kunze, kuti zvimwe arege kuwira mukumhurwa nemumusungo wadhiabhorosi.8Saizvozvo vadhikoni* ngavave vanokudzwa, vasina manzwi maviri, vasingadi waini zhinji, vasingakariri fuma yakaipa;9vanochengeta chakavanzika cherutendo muhana yakachena.10Naivava ngavatange kuidzwawo, ipapo vashumire kana vasina chavangapomerwa.11Saizvozvowo vakadzi vavo ngavave vanokudzwa, kwete vacheri, vakasvinura, vakatendeka pazvose.12Vadhikoni ngavave varume vane mukadzi umwe, vanobata vana vavo nedzimba dzavo zvakanaka.13Nekuti avo vakashumira zvakanaka, vanozviwanira chimiro chakanaka, nekutsunga kukuru parutendo rwuri muna Kristu Jesu.14Zvinhu izvi ndinokunyorera, ndichitarisira kuuya kwauri nekukurumidza;15asi kana ndikanonoka, ndinoda kuti uzive kuti unofanira kufamba sei mumba maMwari, inova kereke yaMwari mupenyu, mbiru nehwaro hwechokwadi.16Hazvipikiswi kuti chakavanzika chekunamata Mwari chikuru; Mwari wakaratidzwa panyama, wakanzi wakarurama pamweya, wakaonekwa nevatumwa, akaparidzwa kuvahedheni, akatendwa panyika, akakwidzwa mukubwinya.