1Zvino Mweya unoreva zvakajeka kuti panguva dzekupedzisira vamwe vachatsauka parutendo, vachiteerera mweya inonyengera nedzidziso dzemadhimoni,2paunyepedzeri vachireva nhema, vakapiswa pahana dzavo nedare rinopisa,3vachidzivisa kuwanana, kurega chimwe chikafu Mwari chaakasikwa kuti chigamuchirwe nekuvonga nevanotenda vanoziva chokwadi.4Nekuti chose chisikwa chaMwari chakanaka, uye hakuna chingafanira kurashwa kana chichigamuchirwa nekuvonga;5Nekuti chinoitwa chitsvene neshoko raMwari nemunyengetero.6Kana uchiyevudzira hama zvinhu izvi, uchava mushumiri wakanaka waJesu Kristu, wakafundwa namashoko erutendo needzidziso yakanaka, yaunotevera.7Asi urambe ngano dzakaipa nedzechembere. Uzvirovedze pauMwari.8Nekuti kurovedza muviri kunobatsira zvishoma, asi uMwari hunobatsira pazvinhu zvose, zvahune chivimbiso cheupenyu hwazvino nehwunouya.9Shoko iri rakatendeka, rinofanirwa nekugamuchirwa kose.10Nekuti naizvozvo isu tose tinoshanda nesimba, nekushorwa, nekuti tinovimba naMwari mupenyu, unova Muponesi wevanhu vose, zvikuru waavo vanotenda.11Raira zvinhu izvi udzidzise:12Kusava nemunhu unozvidza uduku hwako, asi uve muenzaniso wevanotenda, pashoko pamufambiro, parudo, paMweya, parutendo, nepautsvene.13Kusvikira ndasvika, ngwarira pakuverenga, pakuraira nepadzidziso.14Usashaya hanya nechipo chiri mauri, chawakapiwa nechiporofita, nokuiswa maoko eutariri.15Funganya pamusoro pezvinhu izvi, uzvipe nemoyo wose kwazviri, kuti kupfuurira mberi kwako kuonekwe kune vose.16Uzvichenjerere iwe nedzidziso. Urambire pazviri, nekuti mukuita izvi, uchazviponesa iwe nevanokunzwa.