Shona

1 Timothy

5

1Usajinyura mukuru, asi umugamuchire sababa, vaduku sevanin'ina,2vakadzi vakuru sanamai, vaduku sehanzvadzi neutsvene hwose.3Kudza chirikadzi dziri chirikadzi zvirokwazvo.4Asi kana chero chirikadzi ipi ine vana kana vazukuru, ngavatange ivo kudzidza rukudzo kumba, vadzosere zvakafanira kuvabereki vavo nekuti ndizvo zvakanaka zvinogamuchirwa pamberi paMwari.5Zvino uyo uri chirikadzi zvirokwazvo yakasiiwa yoga, inovimba naMwari, inogara pamikumbiro neminyengetero siku nesikati.6Asi iyo inoraramira kuzvifadza yakafa ichiri mhenyu.7Uye raira zvinhu izvi, kuti varege kuva nechavangapomerwa.8Asi kana munhu asingachengeti vekwake, zvikuru veimba yake, waramba kutenda, wakaipa kukunda usingatendi.9Chirikadzi ngairege kuverengwa iri pasi pemakore makumi matanhatu, yaiva mukadzi wemurume umwe,10inopupurirwa mabasa akanaka, kana yakarera vana, kana yaigamuchira vaeni, kana yaishambidza tsoka dzevatsvene, kana yaibatsira vari mumatambudziko, kana yaichenjerera mabasa ose akanaka.11Asi chirikadzi duku urambe, nekuti kana dzochiva zvinopesana naKristu, dzinoda kuwanikwa;12dzava nemhosva, nekuti dzarasa rutendo rwadzo rwekutanga;13uye ipapo dzinodzidza usimbe dzichipotedza dzimba; uye hadzizi simbe chete, asi vaitiwo vemakuhwa, vashereketi, vachitaura zvavasingafaniri.14Naizvozvo ndinoda kuti chirikadzi duku dziwanikwe, dzibereke vana, dzichengete dzimba dzadzo, dzirege kutongopa muvengi mukana wekupomera nawo.15Nekuti vamwe vatotsauka vachitevera Satani.16Kana murume upi neupi kana mukadzi unotenda ane chirikadzi, ngaadzibatsire, kereke irege kuremedzwa, kuti igobatsira chirikadzi chaidzo.17Vakuru vanobata zvakanaka ngavaverengerwe sevanofanirwa nekukudzwa kwakapetwa kaviri, zvikuru avo vanobata pashoko nepadzidziso.18Nekuti rugwaro rwunoti: Usasunga muromo wenzombe inopura; uye: Mushandi wakafanirwa nemubairo wake.19Usangogamuchira mhaka inopomerwa mukuru, kunze kwemberi kwezvapupu zviviri kana zvitatu.20Vanotadza uvatsiure pamberi pevose, kuti vamwewo vave nekutya.21Ndinokurairisa kwazvo pamberi paMwari naIshe Jesu Kristu, nevatumwa vakasanangurwa, kuti uchengete zvinhu izvi usingagari watotonga, kana kuita chinhu uchitsaura vanhu.22Usakurumidza kuisa maoko pamusoro pemunhu, kana kugovana pazvivi zvevamwe; uzvichengete uri mutsvene.23Usachiramba uchingomwa mvura, asi ushandise waini shoma nekuda kwemudumbu mako neundonda hwako hwekazhinji.24Zvivi zvevamwe vanhu zvinogara zvaonekwa pachena, zvinotungamirira kukutongwa; zvavamwe zvichitevera,25Saizvozvowo mabasa akanaka anogara aonekwa pachena, neasina kudaro haangavanzwi.