Shona

1 Timothy

6

1Vose vari varanda pasi pejoko ngavaverenge vatenzi vavo sevanofanirwa nekukudzwa kose, kuti zita raMwari nedzidziso zvirege kunyombwa.2Avo vane vatenzi vanotenda, ngavarege kuvazvidza zvadziri hama, asi zvikuru ngavavashandire, nekuti vakatendeka uye vanodikamwa vagovani vemibairo. Dzidzisa zvinhu izvi ukurudzire.3Kana munhu achidzidzisa zvinopesana nezvizvi, asingabvumiri mashoko awa mapenyu, mashoko aIshe wedu Jesu Kristu, nekudzidziso inoenderana nekunamata Mwari,4unongozvikudza asingazivi chinhu, asi unongokarira mibvunzo nenharo dzemashoko panobva gakava, kutuka, kufungidzira kwakaipa,5nekukakavadzana kwevanhu vane murangariro wakaodzwa, vakarasikirwa nechokwadi, vachiti kunamata Mwari ndizvo zvinofumisa. Zviparadzanise nevakadaro.6Asi uMwari nekugutsikana ndiwo mubairo mukuru;7Nekuti hatina kuvuya nechinhu panyika, zviri pachena kuti hatigoni kubuda nechinhu.8asi kana tine chikafu nezvekufuka tichagutsikana neizvozvi.9Asi vanoshuva kufuma vanowira mukuidzwa nemumusungo, nemukuchiva kweupenzi kuzhinji kunokuvadza, zvinonyudza vanhu mukuparadzwa nekuputswa,10Nekuti kuda mari ndiwo mudzi wezvakaipa zvose; uyo vamwe vakati vachishuva vakatsauswa parutendo, vakazvibaya neshungu zhinji.11Asi iwe, haiwa munhu waMwari, tiza zvinhu izvi; utevere kururama, uMwari, rutendo, rudo, moyo murefu, neunyoro.12Irwa kurwa kwakanaka kwerutendo, ubatisise upenyu hwusingaperi, hwawakadanirwawo kwahwuri, ukabvuma kubvuma kwakanaka pamberi pezvapupu zvizhinji.13Ndinokuraira pachiso chaMwari, unoraramisa zvinhu zvose, naKristu Jesu, wakapupura kupupura kwakanaka pamberi paPondiyo Pirato,14kuti uchengete murairo usina gwapa, usina chaungapomerwa, kusvikira pakuonekwa kwaIshe wedu Jesu Kristu,15kwaachazoratidza panguva dzake, iye oga Wakaropafadzwa neWamasimbaose, Mambo wemadzimambo naIshe wemadzishe,16iye oga usingafi, ugere pachiedza chisingasvikiki; usina kumboonekwa nemunhu, kana kugona kuona; kukudzwa nesimba risingaperi zviri kwaari. Ameni.17Raira vakafuma panyika ino, kuti varege kuzvikudza, kana kuvimba nefuma isingavimbiki, asi naMwari mupenyu, unotipa zvinhu zvose achiwanza kuti tifare nazvo;18kuti vaite zvakanaka, kuti vave vafumi pamabasa akanaka, vagadzirire kupa, vachishuva kudyidzana;19vazvirongedzere nheyo yakanaka yenguva inovuya, kuti vabatisise upenyu hwusingaperi.20Haiwa, Timotio, chengetedza icho chawakakumikidzwa, ufuratire kutaura kusina maturo nekupikisa kwezvinonzi ruzivo rwusati rwuri ruzivo;21irwo vamwe vakati vachipupura vakarashika parutendo. Nyasha ngadzive newe. Ameni.