Shona

2 Timothy

1

1Pauro muapositori waJesu Kristu nechido chaMwari, zvichienderana nechivimbiso cheupenyu hwuri muna Kristu Jesu,2kuna Timotio, mwana wangu unodikamwa: Nyasha, tsitsi, nerugare, zvinobva kuna Mwari Baba, naKristu Jesu Ishe wedu.3Ndinovonga Mwari wandinoshumira kubva kumadziteteguru nehana yakachena, kuti ndisingamiri ndakakurangarira paminyengetero yangu siku nesikati,4ndichishuva zvikuru kukuona, ndichirangarira misodzi yako, kuti ndizadzwe nemufaro;5kana ndichisvika pakurangarira rutendo rwusinganyepedzeri rwuri mauri, rwaimbogara pakutanga muna mbuya vako Roisi namai vako Yunisi, uye ndinovimba kuti kunogarawo mauri.6Nemhaka iyi ndinokuyeudzira kuti ukutidzire chipo chaMwari, chiri mauri nekuiswa kwemaoko angu.7Nekuti Mwari haana kutipa mweya wekutya asi wesimba, newerudo, newefungwa dzakanaka.8Naizvozvo usanyadziswa neuchapupu hwaIshe wedu, kana hwangu musungwa wake, asi utambudzike pamwe neni nekuda kweevhangeri zvichienderana nesimba raMwari,9wakatiponesa, akatidana nekudana kutsvene, kwete zvichienderana nemabasa edu, asi zvichienderana nezano rake, nenyasha dzakapiwa kwatiri muna Kristu Jesu nguva dzisati dzavapo,10asi zvino kunoratidzwa nekuonekwa kwemuponesi wedu Jesu Kristu, wakaparadza rufu, akabudisa pachena upenyu nekusafa kubudikidza neevhangeri,11yandakagadzirwa kuva muparidzi, nemuapositori, nemudzidzisi wevahedheni.12Nemhaka yechikonzero ichi neni ndinotambudzika zvinhu izvi, zvakadaro handinyadziswi, nekuti ndinoziva wandakatenda, uye ndinoziva kwazvo kuti unogona kuchengeta chandakamupa kusvikira zuva iroro.13Batisisa muenzaniso wemashoko mapenyu awakanzwa kwandiri murutendo nerudo rwuri muna Kristu Jesu.14Icho chinhu chakanaka chawakakumikidzwa uchichengete neMweya Mutsvene unogara matiri.15Unozviziva izvi, kuti vose vari paAsia vakandifuratira; pakati pavo pana Figero naHemogene.16Ishe ape tsitsi kuimba yaOnesiforo; nekuti kazhinji wakandivandudza, uye haana kunyadziswa neketani yangu.17Asi wakati asvika Roma, akanditsvaka zvikuru, akandiwana.18Ishe ngaamuitire kuti awane tsitsi kuna Ishe nezuva iroro; uye muzvinhu zvingani zvaakabatira kwandiri paEfeso iwe unozivisisa.