1Naizvozvo iwe, mwana wangu, simba munyasha dziri muna Kristu Jesu.2Nezvinhu zvawakanzwa kwandiri pakati pezvapupu zvizhinji, uzvikumikidze izvozvo kuvanhu vakatendeka vachagonawo kudzidzisa vamwe.3Naizvozvo iwe utambudzike zvakaoma, semurwi wakanaka waKristu Jesu.4Hakuna munhu unorwa semurwi unozvipinganidza nezvinhu zveupenyu, kuti agone kufadza uyo wakamupinza basa.5Uye kana munhuwo achikwikwidza, haashongedzwi korona kana asina kukwikwidza zviri pamurairo.6Murimi unoshanda ndiye unofanira kutanga kugamuchira zvibereko.7Fungisisa zvandinoreva, uye Ishe ngaakupe kunzwisisa pazvinhu zvose.8Rangarira Jesu Kristu wakamutswa kuvakafa, werudzi rwaDhavhidhi, zvichienderana neevhangeri yangu;9yandinotambudzika mairi zvakaipa kusvikira pazvisungo semuiti wezvakaipa; asi shoko raMwari harina kusungwa.10Saka ndinotsungirira zvinhu zvose nekuda kwevakasanangurwa, kuti ivo vawanewo ruponeso rwuri muna Kristu Jesu, pamwe nekubwinya kusingaperi.11Shoko iri rakatendeka; nekuti kana takafa pamwe naye, tichararamawo pamwe naye.12Kana tikatsungirira, tichatonga pamwe naye; kana tikamuramba, iye uchatirambawo.13Kana tisingatendeki, iye unoramba akatendeka, haangazvirambi.14Uvayevudzire zvinhu izvi, uchiraira pamberi paIshe, kuti varege kuita nharo dzemashoko dzisina rubatsiro, zvinongoparadza vanonzwa.15Shingaira kuti uzviratidze kuna Mwari uri munhu wakatendeka, mushandi usingafaniri kunyadziswa, unonyatsoruramisa shoko rechokwadi.16Asi nzvenga kutaura kwetsvina kusina maturo; nekuti vacharamba vachingonyanya pakusava neuMwari,17neshoko ravo richanyenga segomarara; pakati pavo pana Himenayo naFireto;18ivo vakatsauka pachokwadi, vachiti kumuka kwevakafa kwatopfuura, vachipidigura rutendo rwevamwe.19Kunyange zvakadaro nheyo dzaMwari dzinomira dzakasimba, dzine chisimbiso ichi: Ishe unoziva vari vake; vuye: Umwe neumwe unoreva zita raIshe ngaabve pakusarurama.20Zvino muimba huru hamuna midziyo yendarama neyesirvheri chete, asiwo yematanda neyevhu, neimwe inokudzwa neimwe isingakudzwi.21Naizvozvo kana munhu achizvinatsa pazvinhu izvi, uchava mudziyo unokudzwa, wakaitwa mutsvene, wakakwanira basa ratenzi, wakagadzirirwa basa rose rakanaka.22Tiza kuchiva kweuduku, asi uteverere kururama, rutendo, rudo, rugare, pamwe nevanodana kuna She zvichibva pamoyo wakachena.23Asi mibvunzo yeupenzi neyekusadzidza urambe, uchiziva kuti zvinomutsa kukakavara.24Zvino muranda waIshe haafaniri kukakavara, asi ave munyoro kune vose, unoziva kudzidzisa, une moyo murefu,25unoraira neunyoro avo vanopikisa, kuti zvimwe Mwari avape kutendevukira mukugamuchira chokwadi,26uye vapengenukezve kubva pamusungo wadhiabhorosi, wavakanga vakabatwa naye muuranda pakuda kwake.