1Asi uzivewo ichi, kuti mumazuva ekupedzisira nguva dzekutambudzika dzichasvika.2Nekuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vanyombi, vasingateereri vabereki, vasingavongi, vasiri vatsvene,3vasina rudo rwechisikigo, vasingadi kuyanana, vacheri, vasingazvidzori, vane hasha, vasingadi zvakanaka,4vatengesi, vanongomhanyirira, vane manyawi, vanoda mafaro kupfuura kuda Mwari;5vane mufananidzo weuMwari, asi vakaramba simba rako; ubve pavanhu vakadai.6Nekuti pane ivava varipo vanopinda mudzimba vachiverevedza, vachitapa zvikadzi nzenza, vakaremedzwa nezvivi, vanozvuzvurudzwa nekuchiva kwakasiyana siyana,7zvinongogara zvichidzidza, asi hazvitongogoni kusvika paruzivo rwechokwadi.8Jane naJambere sezvavakapikisa Mozisi, saizvozvo ava vanoramba chokwadi, vanhu vendangariro dzakaodzwa, vakarashwa parutendo.9Asi havachapfuuriri mberi, nekuti upenzi hwavo hwuchaonekwa kune vose, sezvakazoita hwavowo.10Asi iwe wakatevera zvakazara dzidziso yangu, mufambiro, chinangwa, rutendo, moyo murefu, rudo, kutsungirira,11kushushwa, nenhamo, zvakandiwira paAndiyokiya, paIkoniyamu, napaRistra, kushushwa kwakadini kwandakatsunga makuri, uye Mwari wakandinunura maari ose.12Hongu, nevose vanoda kurarama muuMwari muna Kristu Jesu vachashushwa;13asi vanhu vakaipa nevanyengeri vachaenderera mberi pakuipa vachitsausa nekutsauswa.14Asi iwe rambira pazvinhu zvawakadzidza uye zvakasimbiswa kwauri, uchiziva kuti wakazvidzidza kuna ani,15uye kuti kubvira paucheche wakaziva magwaro matsvene, anogona kukuchenjedza kusvikira pakuponeswa kubudikidza nerutendo rwuri muna Kristu Jesu.16Rugwaro rwose rwakafemerwa naMwari runobatsira padzidziso, pakutsiura, pakururamisa, nekuraira kuri mukururama,17kuti munhu waMwari ave wakakwana, agadzirirwa kwazvo basa rose rakanaka.