1Ndinorairisa naizvozvo pamberi paMwari, naIshe Jesu Kristu, iye uchatonga vapenyu nevakafa pakuonekwa kwake neushe hwake;2paridza shoko; iva wakagadzirira nenguva yakafanira, panguva isakafanira; dzora, tsiura, kurudzira nemoyo murefu wose nepadzidziso.3Nekuti nguva ichasvika yavacharamba kutendera dzidziso mhenyu, asi zvichienderana nekuchiva kwavo vachazvivunganidzira vadzidzisi, vachirumwa nzeve,4vachafuratidza nzeve dzavo pachokwadi, vachitendeusirwa kungano.5Asi iwe svinura pazvinhu zvose, utsungirire pamatambudziko, uite basa remuevhangeri, uzadzise basa rako.6Nekuti ini ndotodururwa sechibayiro, nenguva yekubva kwangu yasvika.7Ndarwa kurwa kwakanaka, ndapedza rwendo, ndachengeta rutendo;8kubva ikozvino, ndakachengeterwa korona yekururama yandichapiwa naIshe Mutongi wakarurama nezuva iroro; kwete kwandiri ndoga, asi kune vose vanoda kuonekwa kwake.9Shingaira kuti ukurumidze kuuya kwandiri.10Nekuti Dhemasi wakandisiya, ada nyika yaikozvino. Akaenda Tesaronika; Kresike kuGaratia, Tito kuDhamatia.11Ruka oga uneni. Tora Mako uuye naye nekuti unondibatsira pakushumira.12Asi Tikiko ndakamutuma kuEfeso.13Nguvo yandakasiya paTroasi kuna Kapo, kana wouya uuye nayo, nemabhuku, zvikuru magwaro ematebwe.14Arekisandiro mupfuri wendarira wakandiitira zvakaipa zvizhinji; Ishe uchamutsiva zvinoenderana nemabasa ake;15iwewo umuchenjerere, nekuti wakapikisa zvikuru mashoko edu.16Pakuzvidavirira kwangu kwekutanga hapana munhu wakamira neni, asi vose vakandisiya. Dai zvarega kuverengerwa kwavari.17Zvakadaro Ishe wakamira neni, akandisimbisa, kuti neni kuparidza kuzikamwe zvakazara nevahedheni vose vanzwe; uye ndakarwirwa pamuromo weshumba.18Uye Ishe uchandirwira pabasa rose rakaipa, uye uchandichengetera kupinda ushe hwake hwokudenga; kubwinya ngakuve kwaari nekusingaperi-peri. Ameni.19Kwazisa Priska naAkwira, neimba yaOnesiforo.20Erasto wakasara paKorinde; asi Trofimo ndakamusiya paMireto achirwara.21Shingaira kuuya chando chisati chasvika. Yubhuro unokukwazisa, naPudhe, naRina, naKraudhia nehama dzose.22Ishe Jesu Kristu ngaave nemweya wako. Nyasha ngadzive nemwi. Ameni.