Shona

Titus

1

1Pauro muranda waMwari, nemuapositori waJesu Kristu, zvichienderana nerutendo rwevasanangurwa vaMwari nekugamuchira chokwadi chiri pauMwari,2patariro yeupenyu hwusingaperi, uhwo Mwari usingarevi nhema hwaakavimbisa, nhambo dzenguva dzisati dzavapo,3asi panguva dzakafanira wakaratidza shoko rake kubudukidza nekuparidza kwakakumikidzwa kwandiri zvichienderana nemurairo waMwari Muponesi wedu,4kuna Tito, mwana wangu chaiye parutendo rwakafanana: Nyasha, tsitsi, rugare zvinobva kuna Mwari Baba naIshe Jesu Kristu Muponesi wedu.5Nekuda kwaizvozvi ndakakusiya paKrete, kuti ugadzirise zvinhu zvakasara, uye ugadze vakuru muguta roga roga, sezvandakakuraira;6kana ani nani usina chaangapomerwa, murume wemukadzi umwe, une vana vakatendeka, vasingapiwi mhosva yebongozozo, kana kusateerera.7Nekuti mutariri unofanira kuva usina chaangapomerwa semuchengeti weimba yaMwari; asingaiti kuda kwake, asingakurumidzi kutsamwa, asingadi waini, asingarwi, asingakariri fuma inonyangadza;8asi unofarira kugamuchira vaenzi, unoda zvinhu zvakanaka, wakasvunura, wakarurama, mutsvene, unozvidzora,9unobatisisa shoko rakatendeka sezvaakadzidziswa, kuti agone kukurudzira nedzidziso mhenyu, nekupwisa vakakavari.10Nekuti vazhinji varipo vasingateereri, vanotaura zvisina maturo nevanyepedzeri, zvikuru avo vekudzingiswa,11miromo yavo inofanira kudzivirwa; vanopidigura dzimba dzose, vachidzidzisa zvinhu zvavasingafaniri nekuda kwefuma yakaipa.12Mumwe wavo muporofita wekwavo, wakati: VaKrete vagara vari varevi venhema, zvikara zvakaipa, simbe dzinokara.13Uchapupu uhwu ndehwechokwadi. Nekuda kwechikonzero ichi uvatsiure zvikuru, kuti vagwinye parutendo.14vasingateereri ngano dzevaJudha, nemirairo yevanhu vachizvifuratidza kuchokwadi.15Kuvatsvene zvinhu zvose zvitsvene; asi kune vakasvibiswa vasingatendi hakuna chitsvene, asi kunyange kufunga kwavo nehana zvakasvibiswa.16Vanobvuma kuti vanoziva Mwari, asi pamabasa vanomuramba, zvavari vanyangadzi nevasingateereri, vasingabatsiri pabasa rose rakanaka.