Shona

Titus

2

1Zvino iwe taura zvinhu zvakafanira dzidziso mhenyu.2Varume vakuru kuti vave vakadzikama, vanokudzwa, vakangwara, vapenyu parutendo, parudo, pakutsungirira;3saizvozvowo vakadzi vakuru, kuti pamafambiro vave sezvakafanira utsvene, kwete vacheri, kana vanokarira waini zhinji, vadzidzisi vezvinhu zvakanaka,4kuti vadzidzise vakadzi vaduku kusvinura mufungwa, kuda varume vavo, nekuda vana vavo,5vakachenjera, vakachena, vachengeti vemisha, vakanaka, vanoteerera varume vavo, kuti shoko raMwari rirege kunyombwa.6Varume vaduku saizvozvo ukurudzire kuti vave vakasvinura;7pazvinhu zvose iwe uzviratidze semufananidzo wamabasa akanaka, padzidziso isakasvibiswa, nemugariro unokudzwa nekuvimbika,8nhauro yakagwinya isingagoni kushoorwa, kuti uyo wedivi rinopikisa anyare, asina chinhu chakaipa chaangareva pamusoro penyu.9Kurudzira varanda kuzviisa pasi pavatenzi vavo, kuti vafadze pazvose, vasingakakavari,10vasingabi, asi varatidze kutendeka kwakanaka kose, kuti vashongedze dzidziso yaMwari Muponesi wedu pazvinhu zvose.11Nekuti nyasha dzaMwari dzinoponesa dzakaratidzwa kuvanhu vose,12Dzichitidzidzisa kuti, tichiramba kusava neuMwari nekuchiva kwenyika, tirarame nekusvinura, kururama neuMwari panyika yazvino,13tichimirira tariro yakaropafadzwa, nekuratidzwa kwekubwinya kwaMwari mukuru neMuponesi wedu Jesu Kristu.14wakazvipa nekuda kwedu, kuti atidzikinure pakuipa kose, kuti azvinatsire vanhu vakasanangurwa, vanoshingairira mabasa akanaka.15Taura zvinhu izvi, ukurudzire, utsiure nesimba rose; kurege kuva nomunhu unokuzvidza.