1Uvayeudzire kuzviisa pasi pevatungamiriri nemasimba, kuti vateerere vatongi, vakazvigadzira basa rose akanaka,2varege kunyomba munhu, varege kuva vebongozozo, vanyoro, vaitire vanhu vose unyoro hwose.3Nekuti nesu pacheduwo taimbova matununu, tisingateereri, takatsauswa, tichishumira kuchiva nemafaro zvakasiyana siyana, tichirarama mukushata negodo, tichivenga, tichivengana.4Kuzoti unyoro nerudo rwaMwari Muponesi wedu kuvanhu zvaonekwa,5kwete zvichibva pamabasa ekururama atakaita, asi zvichienderana netsitsi dzake wakatiponesa kubudikidza nekushambidzwa kwekuberekwa kutsva nokuvandudzwa kweMweya Mutsvene,6waakawodzvorera pamusoro pedu kubudikidza naJesu Kristu muponesi wedu,7kuti tichinzi takarurama nenyasha dzake, tiitwe vadyi venhaka zvichienderana netariro yeupenyu hwusingaperi.8Ishoko rakatendeka uye zvinhu izvi ndinoda kuti murambe muchisimbisa, kuti vakatenda kuna Mwari vachenjerere kuchengetedza mabasa akanaka. Zvinhu izvi zvakanaka uye zvinobatsira kuvanhu;9asi nzvenga mibvunzo yeupenzi, nenhoroondo dzamazita amadzinza, nemakakatamwa nemakakava pamusoro pemurairo, nekuti hazvibatsiri uye hazvina maturo.10Munhu unotsauka shure kwekurairwa kwekutanga nekwechipiri umusiye,11uchiziva kuti uyo wakadaro wakatsauka, uye unotadza, achizvipa mhosva amene.12Pandichituma Artema kwauri, kana Tikiko, ushingaire kuuya kwandiri kuNikopori; nekuti ndakazvipira kugarapo pachando.13Shingaira kubatsira Zenasi nyanzvi yemutemo naAporo parwendo rwavo kuti varege kushaiwa chinhu.14Nevekweduwo ngavadzidze kuchengetedza mabasa akanaka anodikamwa pakushaiwa, kuti varege kuva vasina zvibereko.15vose vaneni vanokukwazisa. Kwazisa avo vanotida parutendo. Nyasha ngadzive nemwi mose. Ameni.