1Pauro musungwa waKristu Jesu naTimotio hama, kuna Firimoni mudiwa wedu zvikuru nemushumiri pamwe nesu,2nekumudiwa Apifia, naAkipo, muuto pamwe nesu, nekukereke iri mumba mako;3Nyasha kwamuri nerugare rwunobva kuna Mwari baba vedu naIshe Jesu Kristu.4Ndinovonga Mwari wangu, ndichikureva nguva dzose paminyengetero yangu,5ndichinzwa zverudo rwako nerutendo rwaunarwo kuna Ishe Jesu nekuvatsvene vose,6kuti kudyidzana kwerutendo rwako kuve nesimba pakugamuchira chinhu chipi nechipi chakanaka chiri mamuri muna Kristu Jesu.7Nekuti tine mufaro mukuru nekunyaradzwa murudo rwako, nekuti moyo yevatsvene yakavandudzwa newe, hama.8Naizvozvo kunyange ndingashinga zvikuru muna Kristu kukuraira izvo zvakafanira,9zvakadaro nekuda kwerudo zviri nani kukukumbirisai, zvandakadai hangu, ini Pauro mutana, uye zvinowo musungwa waJesu Kristu.10Ndinokukumbirisa pamusoro pemwana wangu, wandakabereka muzvisungo zvangu Onesimo,11wakange asingambokubatsiri, asi zvino unobatsira iwe neni;12wandatumirazve kwauri; naizvozvo iwe umugamuchire uyo ndiko kuti moyo wangu;13wandaida kuramba naye, kuti panzvimbo yako andishumire pazvisungo zveevhangeri;14asi handina kuda kuita chinhu iwe usati watenda, kuti zvakanaka zvako zvaungaita zvirege kuitwa nekurovererwa, asi nechido.15Nekuti zvimwe wakaparadzaniswa newe chinguva nemhaka iyi, kuti ugozova naye nekusingaperi;16arege kuzova zvino semuranda, asi unopfuura muranda, hama inodikamwa zvikuru kwandiri, asi zvikuru sei kwauri. zvose panyama nemuna Ishe.17Naizvozvo kana uchindiverenga seumwe wako, umugamuchire sezvaungandigamuchira ini.18Asi kana akakutadzira, kunyange ane ngava newe, undiravire ini izvozvo.19Ini Pauro ndanyora noruoko rwangu ndomene, ndicharipa; kuti ndirege kuti kwauri, unengava kwandiri newewo womene.20Hongu hama, ngandive nemufaro pamusoro pako muna Ishe; uvandudze moyo wangu muna Ishe.21Ndakunyorera ndichivimba kuteerera kwako, ndichiziva kuti uchaitawo kupfuura zvandinoreva.22Asi ipapo ndigadzirirewo pekugara; nekuti ndinotarisira kuti kubudikidza neminyengetero yenyu ndichapiwa kwamuri.23Unokukwazisai Epafrasi musungwa pamwe neni muna Kristu Jesu.24Mako, Arisitako, Dhemasi, Ruka, vabati pamwe neni.25Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemweya wenyu.