Shona

Hebrews

1

1Mwari iye wataura kare nenzira dzakasiyana siyana kumadzibaba nevaporofita muzvikamu nezvikamu,2pamazuva ekupedzisira akataura kwatiri muMwanakomana wake, waakagadza mudyi wenhaka yezvinhu zvose, waakaitawo naye nyika,3iye ari kupenya chekubwinya, nemufananidzo wake chaiwo, uye achitakura zvinhu zvose neshoko resimba rake, wakati anatsa pachake zvivi zvedu, akagara pasi kuruoko rwerudyi rweumambo hwuri kudenga,4apfuudzwa zvikuri vatumwa, sezvo akanga awana nhaka yezita gurusa kupfuura ivo,5Nekuti ndekune upi mutumwa kwaakamboti: Ndiwe Mwanakomana wangu, nhasi ini ndakubereka? uyezve: Ndichava kwaari Baba, uye iye uchava kwandiri Mwanakomana?6Uye, kana achiuyisazve dangwe panyika, unoti: Nevatumwa vose vaMwari ngavamunamate.7Nepamusoro pevatumwa unoti: Unoita vatumwa vake mweya, nevaranda vake murazvo wemoto;8Asi kuMwanakomana unoti: Chigaro chenyu cheushe, Mwari, chiripo nekusingaperi-peri, tsvimbo yekururama ndiyo tsvimbo yeushe hwenyu.9Imwi makada kururama, mukavenga kuipa; naizvozvo Mwari, iye Mwari wenyu, wakakuzodzai nemafuta emufaro kupfuura vamwe venyu.10Uye kuti: Imwi, Ishe, pakutanga makateya nheyo dzenyika, nematenga mabasa emaoko enyu;11achaparara, asi imwi mucharamba muripo; uye ose achasakara senguvo;12uye sechipfeko, muchaapeta senguwo, uye achashandurwa; Asi imwi makangodaro, nemakore enyu haangagumi.13Asi ndekune upi wevatumwa kwaakambotaura achiti: Gara kuruoko rwangu rwerudyi, kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako?14Ko havazi vose mweya inoshumira yakatumwa kuzoshumira nekuda kwavachazodya nhaka yeruponeso here?