1Saka tinofanira kuchenjerera zvikuru kuzvinhu zvatakanzwa, kuti chero nguva tirege kueredzwa.2Nekuti kana shoko rakataurwa nevatumwa rakange rakasimba, uye kudarika kose nekusateerera kwakagamuchira kutsiva kwakarurama kwemubairo,3isu tichapukunyuka sei kana tichishaya hanya neruponeso rukuru rwakadai? Urwu rwakataurwa pakutanga naIshe, rwukasimbiswa kwatiri naivo vakanzwa;4Mwari achivapupurirawo zvose nezviratidzo nezvishamiso, nemasimba akasiyana siyana, nezvipo zveMweya Mutsvene, nekuda kwekuda kwake.5Nekuti haana kuisa shoko rinouya pasi kuvatumwa, ratinotaura nezvaro.6Asi umwe pane imwe nzvimbo wakapupura achiti: Ko munhu chii, kuti mumurangarire? kana Mwanakomana wemunhu, kuti mumushanyire?7Makamuita muduku zvishoma kuvatumwa; makamupfekedza korona yekubwinya nerukudzo, mukamumisa pamusoro pemabasa emaoko enyu.8Zvinhu zvose makaisa pasi pake pasi petsoka dzake. nekuti pane izvozvi wakaisa zvose pasi pake, haana kusiya chinhu chisina kuiswa pasi pake. Asi zvino tigere kuona zvinhu zvose zvakaiswa pasi pake.9Asi tinoona Jesu, wakaitwa muduku zvishoma kuvatumwa, nekuda kwekutambudzika kwerufu, wakashongedzwa korona yekubwinya nekukudzwa, kuti iye nenyasha dzaMwari aravire rufu achiitira munhu wose.10Nekuti zvakanga zvakamufanira, iye zvinhu zvose zviripo naye, uye zvinhu zvose zvakaitwa naye, pakuisa vanakomana vazhinji pakubwinya, apedzeredze mutungamiriri wekuponeswa kwavo kubudikidza nematambudziko.11Nekuti zvose vanoitisa vatsvene naivo vanoitwa vatsvene vose vakabva kune umwe; nemhaka iyi haana nyadzi kuvaidza hama,12achiti: Ndichaparidzira zita renyu kuhama dzangu, pakati pekereke ndichikuimbirai rumbidzo.13Uyezve: Ndichavimba naye, Uyezve: Tarirai ini nevacheche Mwari vaakandipa.14Naizvozvo sezvo vacheche vari vagovani veropa nenyama, naiyewo wakagovana navo pane izvozvi; kuti kubudikidza nerufu iye aparadze uyo unesimba rerufu, iye dhiabhorosi,15agosunungura avo kubudikidza nekutya rufu vaiva pasi peuranda paupenyu hwavo hwose.16Nekuti zvirokwazvo, haana kuzvitorera vatumwa, asi wakazvitorera mbeu yaAbhurahamu.17Naizvozvo wakafanira pazvinhu zvose kufananidzwa nehama dzake, kuti ave mupristi mukuru uzere netsitsi nekutendeka pazvinhu zvaMwari, kuti aite muripo wezvivi zvevanhu.18Nekuti pane izvozvo iye amene wakatambudzika achiidzwa, unogona kuvabatsira avo vanoidzwa.