Shona

Hebrews

3

1Naizvozvo hama tsvene, vagovani vekudamwa kwekudenga, rangarirai muapositori nomupristi mukuru wokupupura kwedu, iye Jesu Kristu,2wakange akatendeka kuna iye wakamugadza, saMozisiwo muimba yake yose.3Nekuti uyu wakanzi wakafanira rukudzo rwunopfuura rwaMozisi, muvaki weimba sezvaanokudzwa kupfuura imba;4Nekuti imba imwe neimwe inovakwa neumwe, asi unovaka zvose ndiMwari.5Zvino Mozisi zvirokwazvo wakanga akatendeka muimba yake yose semuranda, kuti ave chapupu chezvinhu izvo zvaifanira kuzotaurwa,6asi Kristu seMwanakomana pamusoro peimba yake; iye isu tiri imba yake kana tikabatisisa kusatya netariro yatinozvirumbidza pamusoro payo kusvika pakuguma.7Naizvozvo sezvinotaura Mweya Mutsvene, achiti: Nhasi kana muchinzwa inzwi rake,8musawomesa moyo yenyu sepakutsamwisa, nezuva rekuidzwa murenje.9Apo madzibaba enyu akandiidza, vachindinzvera, vakaona mabasa angu makore makumi mana.10Naizvozvo ndakatsamwiswa nezera iro, ndikati: Vanogara vachitsauka pamoyo wavo; uye havana kuziva nzira dzangu;11Naizvozvo ndakapika pakutsamwa kwangu, ndikati: Havangapindi pazororo rangu.12Chenjererai hama, kuti kusava neumwe wenyu ane nemoyo wakashata wekusatenda, pakutsauka kubva kuna Mwari mupenyu,13asi kurudziranai zuva nezuva, kana kuchanzi: Nhasi; kuti kurege kuva neumwe wenyu unowomeswa kubudikidza nekunyengera kwechivi.14Nekuti tava vagovani vaKristu, kana tichibatisisa kuvamba kwechivimbo chedu kusvikira pakuguma;15kana zvichanzi: Nhasi kana muchinzwa inzwi rake, musawomesa moyo yenyu, sepakutsamwisa.16Nekuti vamwe vakati vanzwa, vakamutsamwisa, asi havazi ivo vose vakabva Egipita naMozisi.17Asi wakatsamwiswa nani makore makumi mana? Havazi ivo vakatadza vane mitumbu yakawira murenje here?18Uye ndivanaani vaakapikira kuti havangapindi pazororo rake, kunze kwaivo vasina kutenda?19Zvino tinovona kuti vakanga vasingagoni kupinda nekuda kwekusatenda.