1Naizvozvo ngatitye zvimwe chivimbiso chekupinda muzororo rake zvachichipo kurege kuva neumwe wenyu uchawanikwa achitaira pakupindamo.2Nekuti nesuwo takaparidzirwa evhangeri, sekwavariwo; asi shoko rokunzwikwa harina kuvabatsira, nokuti harina kuvhenganiswa nerutendo kuna ivo vakanzwa.3Nekuti isu vakatenda tinopinda pazororo sezvaakareva achiti: Sezvo ndakapika pakutsamwa kwangu, ndikati: Havangapindi muzororo rangu; kunyange mabasa akange apedzwa kubva pakuvambwa kwenyika.4Nekuti wakataura pane imwe nzvimbo pamusoro pezuva rechinomwe sezvizvi: Mwari akazorora nezuva rechinomwe pamabasa ake ose;5nepanozve: Havangapindi muzororo rangu.6Naizvozvo zvazvichipo kuti vamwe vachapinda pariri, uye kuti avo vakatanga kuparidzirwa evhangeri havana kupinda nekusateerera,7unogurazve rimwe zuva, achiti: Nhasi achitaura nemuromo waDhavhidhi, nguva huru yakadai yapfuura, sezvakwakataurwa, kuchinzi: Nhasi kana muchinzwa inzwi rake musawomesa moyo yenyu.8Nekuti dai Joshua akanga avapa zororo, haazaizoreva pashure pamusoro perimwe zuva.9Zvino zvasarira vanhu vaMwari kuzorora kwesabata.10Nekuti uyo wakapinda muzororo rake wakazorora iye amene pamabasa ake, saMwari pane ake.11Naizvozvo ngatishingaire kuti tipinde muzororo iroro, kuti zvimwe kusava neunozowa achitevera muenzaniso iwoyo wekusateerera.12Nekuti shoko raMwari ibenyu, uye rine simba nekupinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri, rinobaya kusvikira panoparadzana moyo nemweya, nemafundo nemongo; nerinonzwisisa ndangariro nezvinangwa zvemoyo.13Hakuna chinhu chakasikwa chisingaratidziki pachiso chake; asi zvinhu zvose zvakafukurwa nekuzarurwa pameso aiye watinofanira kuzvidavirira kwaari.14Naizvozvo zvatine mupristi mukuru kwazvo, wakapfuurira kumatenga, iye Jesu Mwanakomana waMwari, ngatibatisise kutenda kwedu.15Nekuti hatina mupristi mukuru usingagoni kunzwiswa tsitsi neutera hwedu, asi wakaidzwa pazvinhu zvose sesu asina chivi.16Naizvozvo ngatiswederei takashinga kuchigaro cheushe chenyasha, kuti tigamuchire tsitsi, tiwane nyasha dzekubatsira panguva yakafanira.