Shona

Hebrews

5

1Nekuti mupristi mukuru umwe neumwe wakatorwa pakati pevanhu, unogadzirwa vanhu pazvinhu zvaMwari, kuti abayire zvose zvipo nezvibayiro nekuda kwezvivi;2iye une moyo munyoro pane vasingazivi naivo vakatsauka, naizvozvo naiyewo amene wakakomberedzwa neutera.3Uye nekuda kwaizvozvi iye unofanira kuzvibayira pamusoro pezvivi zvake, sezvaanobayira zvevanhu.4Hakuna munhu ungazvitorera rukudzo urwu, asi uyo wakadamwa naMwari saAroniwo.5Saizvozvowo Kristu haana kuzvikudza iye kuva mupristi mukuru, asi uyo wakati kwaari: Ndiwe Mwanakomana wangu, nhasi ndakubereka;6Sezvaanorevawo pane imwe nzvimbo, achiti: Ndiwe Mupristi nekusingaperi wenhevedzo yeimba yaMerikizedheki.7Iye pamazuva enyama yake, apa minyengetero nemikumbiro nekuchema kukuru nemisodzi kuna iye waigona kumuponesa kubva parufu, uye akanzwikwa pakuti wakatya,8kunyange aiva Mwanakomana, zvakadaro wakadzidza kuteerera nekuda kwezvinhu zvaakatambudzika;9akati aitwa wakaperedzerwa, akazova muvambi weruponeso rwusingaperi kune vose avo vanomuteerera;10akaidamwa naMwari Mupristi mukuru wenhevedzo yeimba yaMerikizedheki.11Watine zvinhu zvizhinji zvatingataura pamusoro pake, zvinorema kududzira, zvamakagomara pakunzwa.12Nekuti apo pamaifanira kuva vadzidzisi, nekuda kwenguva makashaiwa kuti kuve neunokudzidzisaizve kuti zviga zvekutanga zvezvimiso zvaMwari zvinyi, uye mava savanoda mukaka, kwete chikafu chikukutu.13Nekuti ani nani unodya mukaka haana unyanzvi mushoko rekururama, nekuti mucheche.14Asi chikafu chikukutu ndechevakura zvakazara, vanokuziva kwakadzidziswa nenzira yekurovedzwa, kuzivisisa zvose zvakanaka nezvakaipa.