Shona

Hebrews

6

1Naizvozvo tichisiya zviga zvedzidziso yaKristu, ngatipfuurire mukupedzerera, tisingaisizve nheyo dzekutendeuka kubva pamabasa akafa, nedzekutenda kuna Mwari,2nedzedzidziso dzebhabhatidzo, nedzekuisa maoko, nedzekumuka kwevakafa, nedzekutonga kusingaperi.3Uye izvi tichazviita, kana Mwari achitendera.4Nekuti hazvigoni kune avo vakambovhenekerwa, vakaravira zvechipo chekudenga, vakava vagovani veMweya Mutsvene,5vakaravira shoko rakanaka raMwari, nemasimba enyika inouya,6uye vakazotsauka ivo vose kuti vavandudzirwezve mukutendeuka, zvavanozvirovererazve pamuchinjikwa Mwanakomana waMwari, vachimunyadzisa pachena.7Nekuti nyika iyo inomwa pamvura inogaronaya pamusoro payo, ichibereka miriwo yakafanira avo vanoirimawo, ndiyo inoropafadzwa naMwari;8asi iyo inobereka mhinzwa nerukato inorambwa, yava pedo nerushambwa; kuguma kwayo ndiko kupiswa.9Asi vadiwa, tine chokwadi pamusoro penyu chezvinhu zviri nani uye zvinhu zvine ruponeso, kunyange tichitaura sezvizvi.10Nekuti Mwari haazati ari usakarurama kuti akangangamwe basa renyu nebasa guru rerudo rwamakaratidza kuzita rake, zvamakashumira vatsvene uye muchiri kungovashumira.11Zvino tinoshuva kuti umwe neumwe wenyu aratidze kushingaira kwakadaro, kuti muve netariro yakakwana kusvikira pakuguma.12Kuti murege kuva simbe, asi vateveri vaivo vanodya nhaka yezvipikirwa kubudikidza nerutendo nemoyo murefu.13Nekuti Mwari paakaita chitsidzo kuna Abhurahamu, nekuti wakange asina mukuru kwaari waangapika naye, wakapika naiye amene,14achiti: Zvirokwazvo kuropafadza ndichakuropafadza, nokuwanza ndichakuwanza.15Nekudaro, wakati atsungirira nemoyo murefu akawana chivimbiso.16Nekuti vanhu zvirokwazvo vanopika nemukuru kwavari; nemhiko yekusimbisa kwavari kuguma kwegakava rose.17Pakazoti Mwari achida zvikuru kuratidza kuvadyi venhaka yechivimbiso kusashanduka kwezano rake, wakasimbisa nokupika,18kuti nezvinhu zviviri zvisingashanduki, pazviri pasingabviri kuti Mwari areve nhema, tive nekunyaradzwa kwakasimba, iyesu, takatiza kuti tibatirire kutariro yakaiswa pamberi pedu;19yatinayo sehaka yeMweya zvose isingazununguswi yakasimba, inopinda kune zviri mukati mevheiri;20pakapinda nhungamiri nekuda kwedu, iye Jesu wakaitwa mupristi mukuru nekusingaperi, wenhevedzo yeimba yaMerikizedheki.