1Nekuti Merikizedheki uyu, mambo weSaremi, mupristi waMwari Wekumusoro-soro, wakasangana naAbhurahamu achidzoka kubva kunoponda madzimambo, akamuropafadza,2Abhurahamu wakapawo kwaari chegumi chezvose; iye pakutanga ari nekududzirwa mambo wekururama, uye shure kweizvozvo mambo weSaremi, ndokuti mambo werugare;3asina baba, asina mai, asina dzinza, asina mavambo amazuva, kana kuguma kweupenyu, asi wakafananidzwa neMwanakomana waMwari, unogara ari mupristi nekusingaperi.4Zvino rangarirai kuti kukura kwakadini kweuyu, wakapiwa nateteguru Abhurahamu chegumi chezvaakapamba.5Zvino zvirokwazvo avo vari vanakomana vaRevhi, vakagamuchira basa reupristi, vane murairo wekutora chegumi kuvanhu, zvichienderana nemurairo, ndiko kuti kuhama dzavo, kunyange vakabva muchiuno chaAbhurahamu;6asi iye dzinza rake risina kuverengerwa kwavari wakagamuchira chegumi kubva kuna Abhurahamu akamuropafadza iye wakange ane zvivimbiso.7Zvino pasina kupikisa kose, muduku unoropafadzwa nemukuru.8Uye pano vanhu vanofa vanogamuchira zvegumi; asi apo agamuchira uyo unopupurirwa kuti mupenyu.9Zvino kunganzi, Revhiwo unogamuchira zvegumi iyewo wakapa zvegumi muna Abhurahamu;10Nekuti wakange achiri muchiuno chababa vake, apo Merikizedheki akamuchingamidza.11Naizvozvo, kana kupedzeredzwa kwaivapo neupristi hweRevhi (nokuti pasi pahwo vanhu vakapiwa murairo), ko umwe mupristi waifanira kuzomukirei wenhevedzo yerudzi rwaMerikizedheki, asingaidzwi wenhevedzo yerudzi rwaAroni?12Nekuti kana upristi hwuchishandurwa, zvinofanirawo kuti kuve neshanduko yemurairo.13Nekuti iye unorehwa zvinhu izvi pamusoro pake wakange ari werumwe rudzi, rwakanga rusino munhu wakambobata basa paaritari.14Nekuti zvinoonekwa pachena kuti Ishe wedu wakabva kuna Judha; irwo rudzi Mozisi rwaasina kumbotaura chinhu pamusoro parwo maererano neupristi.15Izvi zvinoratidzwawo pachena kwazvo, kana kuchimuka mumwe mupristi wakafanana naMerikizedheki,16wakaitwa, kwete nenzira yemurairo wekuraira kwenyama, asi nesimba reupenyu hwusingaperi.17Nekuti iye unopupura achiti: Iwe uri mupristi nekusingaperi wenhevedzo yeimba yaMerikizedheki.18Nekuti kuparadzwa kwemurairo wekutanga kwakaitwa nekuda kweutera hwawo, uye nekuti hauna maturo;19Nekuti murairo hauna kuperedzera chinhu, asi kuuyisa tariro inopfuura pakunaka, yatinoswedera nayo kuna Mwari.20uye, zvaasina kuitwa pasina mhiko;21(nekuti ivo vakaitwa vapristi pasina mhiko, asi uyu nemhiko, naiye wakati kwaari: Ishe wakapika, uye haangazvidembi achiti: Iwe uri mupristi nekusingaperi wenhevedzo yeimba yaMerikizedheki);22Saizvozvo Jesu wakaitwa rubatso rwesungano inopfuura pakunaka.23Ivo zvirokwazvo vaiva vapristi vazhinji, nekuti havana kutenderwa kugara nekusingaperi nechikonzero cherufu.24Asi uyu nekuti unogara nekusingaperi une upristi hwusingapfuuriri.25Naizvozvo une simbawo rekuponesa kwakaperedzerwa avo vanouya kuna Mwari naye, zvaanongoraramira kuvareverera nekusingaperi.26Nekuti mupristi mukuru wakadaro ndiye wakatifanira, mutsvene, usina chakaipa, usina kusvibiswa, wakaparadzaniswa nevatadzi, wakakwidzwa kupfuura matenga;27usingatsvaki zuva nezuva, sevaya vapristi vakuru kubayira pakutanga pamusoro pezvivi zvake, pashure zvevanhu; nekuti wakaita izvozvi kamwe, zvikapera, paakazvibayira iye.28Nekuti murairo unogadza vanhu kuva vapristi vakuru vane utera; asi shoko remhiko, rakatevera murairo, rinogadza Mwanakomana, wakapedzeredzwa nekusingaperi.