Shona

Hebrews

8

1Zvino chikuru chezvinhu zvatataura ndichochi: Tine mupristi mukuru wakadai wakagara kuruoko rwerudyi rwechigaro cheushe cheMukuru kumatenga,2mushumiri wenzvimbo tsvene, newetende rechokwadi rakadzikwa naIshe, kwete munhu.3Nekuti mupristi mukuru umwe neumwe wakagadzwa kuti ape zvipo nezvibayiro; naizvozvo zvakafanira kuti ave nechaangabayirawo;4Nekuti dai aiva panyika, ungadai asina kuva mupristi, vapristi zvavaripo, vanobayira zvipo zvinoenderana nemurairo;5ivo vanoshumira mufananidzo nemumvuri wezvinhu zvekudenga, Mozisi sezvaakarairwa naMwari oda kugadzira tende; nekuti wakati: Chenjera kuti uite zvose nemufananidzo wawakaratidzwa mugomo.6Asi zvino wakapiwa basa rakanyanyisa kunaka, sezvaari murevereri wesungano inopfuura pakunaka, yakasimbiswa pazvivimbiso zvinopfuura pakunaka.7Nekuti dai iya yekutanga yakanga isina chaingapomerwa, dai pasina nzvimbo yakatsvakirwa yechipiri.8Nekuti achivapomera mhosva, unoti: Tarira, mazuva anovuya, ndizvo zvinotaura Ishe, andichaita nawo sungano itsva neimba yaIsraeri, uye neimba yaJudha.9Kwete zvichienderana nesungano yandakaita nemadzibaba avo, pazuva randakabata ruoko rwavo kuti ndivabudise munyika yeEgipita; nekuti havana kurambira musungano yangu, neni ndikasava nehanya navo, ndizvo zvinotaura Ishe;10Nekuti iyi isungano yandichaita neimba yaIsraeri shure kwemazuva iwayo, ndizvo zvinotaura Ishe; ndichaisa mirairo yangu mumurangariro wavo, nemuhana dzavo ndichainyora, uye ndichava kwavari Mwari ivo vachava kwandiri vanhu;11uye havangazodzidzisi umwe neumwe mumwe wake, kana umwe neumwe hama yake, achiti: Ziva Ishe; nekuti vose vachandiziva, kubva kumudukusa kusvikira kumukurusa wavo.12Nekuti ndichava netsitsi nekusarurama kwavo, nezvivi zvavo nezvakaipa zvavo handichazorangariri.13Zvaanoti: Sungano itsva, yakasakadza yekutanga; zvino chosakara, chova chakare, choda kurova.