1Zvino zvirokwazvo sungano yekutanga yakanga ine zviga zvekushumira Mwari, nenzvimbo tsvene yenyika.2Nekuti tende rekutanga rakagadzirwa raiva nechigadziko chemwenje, netafura, nezvingwa zvekuratidza; ndiyo inonzi nzvimbo tsvene.3Zvino mberi kwevheiri rechipiri kwakange kune tende rainzi nzvimbo tsvene kune dzose,4yakanga ine mudziyo wendarama wezvinonhuhwira, neareka yesungano yakanga yakanamwa nhivi dzose nendarama, imomo makanga mune hari yendarama yakanga ine mana, netsvimbo yaAroni yakadeya kutunga, nemahwendefa esungano;5pamusoro payo makerubhi okubwinya, akadzikatira chigaro chetsitsi; chatisingagoni kurondedzera tichiita chimwe chimwe ikozvino.6Zvinhu izvi zvakati zvagadzirwa saizvozvo, vaparista vaipinda nguva dzose mutende rekutanga, vachiperedzera mabasa ekushumira Mwari;7asi kune yechipiri mupristi mukuru waipinda ari oga kamwe pagore, kwete asina ropa, raaizvibayirira iye nezvitadzo zvevanhu;8Mweya Mutsvene achiratidza ichi, kuti nzira inoenda kunzvimbo tsvene kune dzose yakanga isati yataridzwa tende rekutanga richimire;9wakange uri mufananidzo wenguva iyo yavaibayira nayo zvose zvipo nezvibayiro, zvisingagoni kuperedzera iye unoshumira pahana yake,10nekuti zvinongova zvechikafu, nezvimwiwa, nekushamba kwakasiyana siyana nezviga zvenyama zvavakatemwa kusvikira panguva yekuvandudzwa.11Asi Kristu wakati asvika ari mupristi mukuru wezvinhu zvakanaka zvinozouya, netende rakapfuura pakukura nepakuperedzerwa, risina kuitwa nemaoko, ndiko kuti risati riri rekusikwa kuno,12kwete neropa rembudzi kana mhuru, asi neropa rake pachake wakapinda kamwe, panzvimbo tsvene, atiwanira rudzikinuro rwusingaperi.13Nekuti kana ropa renzombe nerembudzi nemadota etsiru, kana zvichisaswa pavakasvibiswa, zvichivaita vatsvene kusvika pakunatswa panyama,14zvikuru sei ropa raKrsitu, iye kubudikidza neMweya wekusingaperi wakazvipa sechibayiro kuna Mwari, chisina gwapa kuti richanatsa hana dzenyu pamabasa akafa, kuti mushumire Mwari mupenyu.15uye nemhaka iyi ndiye murevereri wesungano itsva, kuti nenzira yerufu kuitira rudzikunuro pakudarika pasi pesungano yekutanga, avo vakadamwa vagopiwa chivimbiso chenhaka isingaperi.16Nekuti apo pane rugwaro rwenhaka, panofanira kuvapowo rufu rwaiye wakaiita.17Nekuti testamendi ine simba kune vakafa; nekuti haitongovi nesimba kana wakaiita achiri mupenyu.18Naizvozvo kana yekutanga haina kugadzwa pasina ropa.19Nekuti zviga zvose zvakati zvataurwa kuvanhu vose naMozisi zvichienderana nemurairo, wakatora ropa remhuru nembudzi, nemvura nemakushe matsvuku, nehisopi*, akasasa zvose bhuku romene nevanhu vose,20achiti: Iri iropa resungano yamakarairwa naMwari.21saizvozvo wakasasa neropa zvose tende nemidziyo yose yekushumira.22Zvinhu zvinenge zvose zvinonatswa nemurairo neropa; uye pasina kuteurwa kweropa, hapana kangamwiro.23Naizvozvo zvakafanira kuti mifananidzo yezvinhu zviri kumatenga inatswe nezvizvi; asi zvinhu zvekudenga pachazvo zvinatswe nezvibayiro zvakanaka kupfuura izvi.24Nekuti Kristu haana kupinda panzvimbo tsvene yakaitwa nemaoko, inofananidza iyo iri chaiyo, asi wakapinda kudenga komene, kuti ikozvino aonekwe pamberi paMwari nekuda kwedu;25kwetewo kuti azvibayire kazhinji, semupristi mukuru unopinda panzvimbo tsvene gore rimwe nerimwe neropa rezvimwe;26dai zvakanga zvakadaro, waifanira kutambura kazhinji kubva pakuvambwa kwenyika; asi zvino wakaonekwa kamwe pakupedzisira kwenguva, kuti abvise chivi nechibayiro chake omene.27Uye sezvazvakatemerwa vanhu kuti vafe kamwe, shure kwezvizvi kutongwa;28saizvozvo Kristu abayirwa kamwe kuti atakure zvivi zvevazvinji, uchazoonekwa rwechipiri, asina chivi, naivo vanomutarira, guve ruponeso.