1Nekuti murairo zvaune mumvuri wezvinhu zvakanaka zvinouya usati uri mufananidzo chaiwo wezvinhu izvozvo, haungatongogoni kuperedzera avo vanoswedera gore rimwe nerimwe naizvozvo zvibayiro zvavanoramba vachibayira.2Dai zvakanga zvakadaro zvingadai zvisina kupera kubayirwa here? nekuti vashumiri, kana vakange vanatswa kamwe chete vangadai vasingazivi zvivi zvavo.3Asi kuzvibayiro izvozvo vanoyeudzirwa zvivi gore rimwe nerimwe.4Nekuti hazvibviri kuti ropa rehando nerembudzi ribvise zvivi.5saka paanosvika panyika, unoti: Chibayiro nechipiriso hamuna kuzvida, asi makandigadzirira muviri;6pazvibayiro zvinopiswa, nezvechivi hamuna kuzvifarira;7Zvino ndikati: Tarirai ndauya (Murugwaro rwakapetwa makanyorwa pamusoro pangu) Kuita chido chenyu, Mwari.8Zvaanoti pakutanga: Zvibayiro nezvipiriso, nezvibayiro zvinopiswa, nezvibayiro zvechivi hamuna kuzvida kana kufadzwa nazvo izvo zvinobayirwa sezvinoreva murairo),9ndokuzoti: Tarira, ndinovuya kuzoita chido chenyu imwi Mwari. Unobvisa chekutanga kuti amise chechipiri.10Nekuda ikoku takaitwa vatsvene kubudikidza nekubayirwa kwemuviri waJesu Kristu kamwe.11Mupristi umwe neumwe unomira zuva rimwe nerimwe achishumira, nekubayira kazhinji zvibayiro izvozvo zvisingatongogoni kubvisa zvivi;12asi murume uyu wakati abayira chibayiro chimwe nekuda kwezvivi nekusingaperi, akagara pasi kuruoko rwerudyi rwaMwari;13kubva zvino achitarisira kusvikira vavengi vake vaitwa chitsiko chetsoka dzake.14Nekuti nechibayiro chimwe chete wakaperedzera nekusingaperi avo vanoitwa vatsvene.15Mweya Mutsvenewo unotipupurira; nekuti pakutanga wakange amboti:16Iyi ndiyo sungano yandichaita navo shure kwemazuva iwayo, ndizo zvinotaura Ishe, Ndichaisa mirairo yangu mumoyo yavo, nokuinyora mufungwa dzavo.17Nezvivi zvavo nekuipa kwavo handichatongozvirangaririzve.18Zvino apo pane kangamwiro yezvizvi, hapachina kubayirwa kwechivi.19Naizvozvo, hama, zvatingatsunga kupinda panzvimbo tsvene neropa raJesu,20nenzira itsva mhenyu, yaakatizarurira kubudikidza nemuvheiri, ndiyo nyama yake;21uye tine mupristi mukuru pamusoro peimba yaMwari,22ngatiswedere nemoyo wechokwadi, nechivimbo chakazara cherutendo, moyo yedu yasaswa pahana yakaipa, nemiviri yedu yakashambidzwa nemvura yakachena.23Ngatibatisise chitendero chetariro yedu, tisingazungunuki; nekuti iye wakavimbisa wakatendeka;24uye ngatirangariranei pakumutsirana rudo namabasa akanaka,25tisarega kuungana kwedu, setsika yevamwe, asi tichikurudzirana; zvikuru zvamunovona zuva richiswedera.26Nekuti kana tichitadza maune, tambogamuchira ruzivo rwechokwadi, hakusisina chibayiro pamusoro pezvivi,27asi kumwe kumirira tichitya kutongwa nekutsamwa kunopfuta moto, kuchapedza vevengi.28Munhu unozvidza murairo waMozisi unofa kunze kwetsitsi nezvapupu zviviri kana zvitatu;29zvino unofunga kuti uchanzi wakafanira kurangwa zvinorwadza sei, wakatsikira pasi Mwanakomana waMwari, uye ukatora ropa resungano, raakaitwa mutsvene naro serisina maturo, uye akazvidza Mweya wenyasha?30Nekuti tinomuziva iye wakati: Kutsiva ndekwangu, ini ndicharipira, ndizvo zvinotaura Ishe, uyezve unoti: Ishe uchatonga vanhu vake.31Zvinotyisa kuwira mumaoko aMwari mupenyu.32Asi rangarirai mazuva akare, amakati mavhenekerwa maari mukatsunga pakurwa kukuru kwematambudziko;33pamwe nekuti makaitwa chiokero zvose nekunyombwa nematambudziko; pamwe nekuti makagovanawo naivo vakaitirwa izvozvo.34Nekuti makanzwira tsitsi zvisungo zvangu, makagamuchira nemufaro kupambwa kwenhumbi dzenyu, muchiziva mukati menyu kuti imwi mune fuma yakapfuura nekunaka, inogara iri kumatenga.35Naizvozvo regai kurasha kushinga kwenyu, kune muripo mukuru wemubayiro.36Nekuti munoshaiwa moyo murefu, zvokuti, kana maita kuda kwaMwari, mugamuchire chivimbiso.37Nekuti pachine kanguva kaduku-duku, uye unouya uchauya, uye haanganonoki.38Asi wakarurama uchararama nerutendo; zvino kana akadzokera shure, mweya wangu haungafari naye.39Zvino isu hatizi veavo vanodzokera shure kukuparadzwa; asi veavo vanotenda kukuponeswa kwemweya.