1Zvino rutendo ndirwo rusimbiso rwezvinhu zvatinotarisira, umbowo hwezvinhu zvisingaonekwi.2Nekuti naiko vanhu vakuru vakapupurirwa zvakanaka.3Kubudikidza nerutendo tinonzwisisa kuti nyika dzakanyatsoumbwa neshoko raMwari, zvekuti zvinhu zvinoonekwa hazvibvi kuzvinhu zvinoonekera.4Nerutendo Abheri wakabayira kuna Mwari chibayiro chakanakisisa kupfuura Kaini; chaakawana nacho uchapupu kuti wakange akarurama, Mwari achipupurira zvipo zvake; naicho kunyange afa hake, uchiri kungotaura.5Norutendo Enoki wakatamiswa kuti arege kuona rufu, akasawanikwa nekuti Mwari wakange amutamisa; nekuti asati atamiswa wakapupurirwa kuti wakange afadza Mwari.6Kunze kwerutendo hazvibviri kumufadza; nekuti unouya kuna Mwari, unofanira kutenda kuti iye uripo, uye mupi wemubayiro wevanomutsvaka nemoyo wose.7Nerutendo Nowa wakati ayambirwa naMwari pamusoro pezvinhu zvichigere kuonekwa, nekutya akagadzira areka yeruponeso rwemhuri yake; akapa nyika mhosva nazvo, akava mudyi wenhaka yekururama kunouya nerutendo.8Nerutendo Abhurahamu wakati adamwa kuti abude, aende kunzvimbo yaakanzi uchazoigamuchira ive nhaka akateerera, akabuda akaenda, asingazivi kwaanoenda.9Nerutendo wakagara semutorwa munyika yechivimbiso senyika yeutorwa, achigara mumatende naIsaka naJakobho, vadyi venhaka yechivimbiso chimwecho pamwe naye;10Nekuti wakange achitarisira guta rine nheyo, Mwari ari mhizha nemuvaki waro.11Nerutendowo Sara pachake wakapiwa simba rekugamuchira mbeu akazvara mwana, apfuura zera, nekuti wakati iye wamuvimbisa wakatendeka.12Naizvozvo vakaberekwa neumwe zvichibva kune wakafa vakaita senyeredzi dzekudenga pakuwanda, uye sejecha riri pamahombekombe egungwa risingaverengeki.13Ivava vose vakafira murutendo, vasina kugamuchira zvivimbiso, asi vakazviona zviri kure, vakagutsikana nazvo, vakazvimbundikira vakabvuma kuti vaeni nevapfuuri panyika.14Nekuti ivo vanotaura zvinhu zvakadaro, vanoratidza pachena kuti vanotsvaka nyika yekwavo.15Nekuti kana zvirokwazvo vaifungisisa zvenyika iyo yavakabva kwairi, vangadai vakawana mukana wekudzokera.16Asi zvino vanoshuva yakanaka kuipfuura, ndiyo yekudenga; naizvozvo Mwari haana nyadzi pamusoro pavo kuti aidzwe Mwari wavo; nekuti wakavagadzirira guta.17Nerutendo Abhurahamu paakaidzwa wakabayira Isaka, uye iye wakange agamuchira zvivimbiso akabayira mwana wake wakaberekwa umwe woga;18wakanzi pamusoro pake: Muna Isaka vana vako vachatumidzwa;19nekurangarira kuti Mwari unogona kumutsa kunyange kuvakafa; ndipapowo paakamugamuchira mumufananidzo.20Nerutendo Isaka wakaropafadza Jakobho naEsau pamusoro pezvinhu zvinouya.21Nerutendo Jakobho ofa wakaropafadza mwanakomana umwe neumwe waJosefa; akanamata akasendamira pamusoro pemudonzvo wake.22Nerutendo Josefa ava kufa wakataura zvekubuda kwevana vaIsraeri, akaraira pamusoro pemafupa ake.23Nerutendo Mozisi aberekwa wakavanzwa mwedzi mitatu nevabereki vake, nekuti vakavona kuti mwana wakanaka; uye havana kutya murairo wamambo.24Nerutendo Mozisi akura wakaramba kunzi mwanakomana wemukunda waFarao,25pachinzvimbo chaizvozvo wakasarudza kuitirwa zvakaipa pamwe nevanhu vaMwari pane kuva mumufaro wezvivi kwechinguvana;26akati kunyombwa kwaKristu ifuma huru pakufuma kose kweEgipita; nekuti wakarangarira muripo wemubayiro.27Nerutendo wakasiya Egipita, asingatyi kutsamwa kwamambo; nekuti wakatsungirira seunomuona iye usingaonekwi.28Nerutendo wakachengetedza pasika nekusaswa kweropa, kuti unouraya matangwe arege kuvabata.29Nerutendo vakagura Gungwa Dzvuku sepavhu rakawoma; vaEgipita vachizviidza vakabitirirwa.30Nerutendo masvingo eJeriko akawira pasi, apoteredzwa mazuva manomwe.31Nerutendo Rakabhi chifeve haana kuparara pamwe nevasina rutendo, paakanga agamuchira vashori nerugare.32Zvino ndichataurirei zvimwe? Nekuti ndichapererwa nenguva ndichitaura zvaGidhioni, naBharaki, naSamusoni, naJefita, Dhavhidhiwo, naSamueri, nevaporofita;33avo kubudikidza nerutendo vakakunda ushe, vakaita kururama, vakawana zvivimbiso, vakadzivira miromo yeshumba,34vakadzima simba remoto, vakapukunyuka kwakapinza kwemunondo, vakasimbiswa pautera, vakava nesimba pakurwa, vakadzinga hondo dzemamwe marudzi.35Vakadzi vakagamuchirazve vakafa vavo vachimukazve; vamwe vakashungurudzwa, vasingagamuchiri kudzikunungurwa, kuti vawane kumuka kuri nani;36vamwewo vakaidzwa nekuitwa chiseko, nekuzvambaradzwa, uyezve nezvisungo nemujere;37vakatakwa nembwe, vakatsemurwa nepakati, vakaidzwa, vakashinjwa nemunondo; vakadzungaira vakafuka matehwe emakwai nematehwe embudzi; vari nhoronhondo, vachitambudzika, vachishungurudzwa,38(nyika haina kuvafanira), vachidzungaira mumagwenga, nemakomo, nemapako, nemakomba enyika.39Naivava vose vapupurirwa zvakanaka kubudikidza nerutendo havana kugamuchira zvivimbiso,40Nekuti Mwari wakange atigadzirira chinhu chiri nani, kuti ivo varege kupedzeredzwa pasina isu.