Shona

Hebrews

12

1Naizvozvo isuwo zvatakakomberedzwa negore guru rakadai rezvapupu, ngatibvisei mitoro yose nechivi chinongotinamatira, ngatimhanye nemoyo murefu nhangemutange yakaiswa mberi kwedu,2tichitarira kuna Jesu, muvambi nemupedzeredzi werutendo rwedu, iye nekuda kwemufaro wakaiswa pamberi pake wakatsunga pamuchinjikwa, achizvidza kunyadziswa kwawo, akagara kuruoko rwerudyi rwechigaro cheushe chaMwari.3Nekuti cherekedzai uyo wakatsunga pagakava rakadai revatadzi vachimirisana naye, kuti imwi murege kuneta nekupera simba pamweya yenyu.4Muchigere kupikisa kusvikira muropa muchirwa nechivi;5uye makakangamwa kurudziro inotaura kwamuri kwazvo sekuvana, kuchiti: Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaIshe, kana kupera moyo kana uchitsiurwa naye;6Nekuti Ishe waanoda unomuranga, nekuzvambaradza mwanakomana umwe neumwe waanogamuchira.7Kana muchitsunga pakurangwa, Mwari unokubatai sevanakomana; nekuti mwanakomana ndeupi usingarangwi nababa?8Asi kana musingarangwi sezvinoitirwa vagovani vose, muri vana veupombwe, kwete vanakomana.9uyezve isu takambova nemadzibaba enyama yedu aidzora uye tikavakudza; ko hatingazviisi zvikuru pasi paBaba vemweya kuti tirarame here?10Nekuti ivo zvirokwazvo vakatiranga mazuva mashoma pamadiro avo: asi iye unotiranga kuti tibatsirwe, tigogoverwa utsvene hwake.11Zvino hakuna kuranga kwazvino kunoratidza kufadza, asi kushungurudza zvakadaro pashure kunobereka zvibereko zverugare zvakarurama kune vanorovedzwa mazviri.12Saka simbisai maoko akaremberera pasi, nemabvi akarengwezeka;13gadzirirai tsoka dzenyu nzira dzakarurama, kuti icho chinokamhina chirege kushodoka, asi panzvimbo yeizvozvo chiporeswe.14Tevererai rugare nevose, neutsvene, nokuti kunze kwahwo hakuna munhu uchaona Ishe;15Muchichenjerera kuti kurege kuva nemunhu unokundikana panyasha dzaMwari; kuti zvimwe mudzi wekuvava urege kumutsa dambudziko ukutambudzei vazhinji vagosvibiswa;16kurege kuva nemhombwe kana munhu usina hanya naMwari, saEsau wakatengesa udangwe hwake nekudya kumwe.17Nekuti munoziva kuti pashure achizoda hake kugara nhaka yekuropafadzwa, wakarambwa; nekuti haana kuwana nzvimbo yekutendeuka, kunyange akaitsvaka zvikuru nemisodzi.18Nekuti hamuna kuswedera kugomo ringabatwa, rinopfuta moto, uye kurima nekusviba, nekudutu guru remhepo,19uye kurira kwehwamanda, nenzwi remashoko; iro ivo vakarinzwa vakakumbira kuti shoko rimwe rirege kuzotaurwa kwavarizve;20Nekuti vakakoniwa kutevera icho chakanga charairwa, chekuti: Kana zvakadaro nemhuka kana ikabata gomo, ichatakwa nemabwe; kana kufurwa nemuseve.21icho chakaonekwa chaityisa zvekuti Mozisi wakati: Ndinotya kwazvo, ndinodedera.22Asi imwi mauya kugomo reZiyoni, nekuguta raMwari mupenyu, Jerusarema rekudenga, nekumazana evatumwa vasingaverengeki,23kuungano huru nekereke yematangwe akanyorwa kumatenga, nekuna Mwari mutongi wevose, nekumweya yevakarurama vakapereredzwa,24nekuna Jesu murevereri wesungno itsva, nekuropa rekusasa, rinotaura zvinhu zviri nani pane zvaAbhero.25Chenjerai kuti murege kuramba uyo unotaura; nekuti dai vasina kupukunyuka iye wakataura panyika, zvikuru sei isu kana tichifuratira iye unobva kumatenga;26inzwi rake rakazungunusa nyika nguva iyo asi zvino wakavimbisa achiti: Kamwe chetezve ndichazungunusa kwete nyika chete, asi dengawo.27Zvino izvi zvekuti: Kamwe zvekare, zvinoratidza kubviswa kwezvinhu zvinozununguka, sezvinhu zvakaitwa, kuti izvo zvisingagoni kuzungunuka zvigare.28Naizvozvo zvatinogamuchira ushe hwusingazununguswi, ngative nenyasha dzatingagona kushumira nadzo Mwari zvinogamuchirika nekukudza nekutya Mwari.29Nekuti Mwari wedu moto unoparadza.