Shona

Hebrews

13

1Rudo rweukama ngarwupfuurire.2Musakangamwa kugamuchira vaeni; nekuti pakudaro vamwe vakagamuchira vatumwa vasingazvizivi.3Rangarirai vari muusungwa, semakasungwa pamwe navo; nevanoitirwa zvakaipa, sezvinonzi ndimwiwo pamuviri.4Wanano ngaikudzwe kune vose, nenhovo irege kusvibiswa; asi mhombwe nezvifeve Mwari uchatonga.5Mararamiro enyu ngaave ekusakarira mari; gutsikanai nezvinhu zvamunazvo, nekuti iye wakati: Handingatongokurasi kana kukusiya.6Naizvozvo tingatsunga moyo tichiti: Ishe mubatsiri wangu; handingatyi munhu zvaangaita kwandiri.7Rangarirai avo vanokutungamirirai, vakataura kwamuri shoko raMwari, mutevere nerutendo rwavo; muchicherekedza kuguma kwekufamba kwavo.8Jesu Kristu wakadaro zuro nanhasi uye nekusingaperi.9Musakukurwa nedzidziso dzakasiyana siyana uye dzisingazikamwi; nekuti chinhu chakanaka kuti moyo usimbiswe nenyasha, kwete nechikafu chisina kuvabatsira vakafamba machiri.10Isu tine aritari, pavasina kodzero yekudya pairi ivo vanoshumira tende.11Nekuti mitumbi yemhuka idzo, dzakaisirwa ropa radzo panzvimbo tsvene nemupristi mukuru nekuda kwechivi, mutumbu yadzo inopiswa kunze kwemisasa.12Saka iye Jesuwo, kuti aite vanhu vave vatsvene neropa rake wakatambudzika kunze kwesuwo.13Naizvozvo ngatibudire kwaari kunze kwemusasa, takatakura kunyadziswa kwake.14Nekuti pano hatina guta rinogara, asi tinotsvaka richauya.15Naizvozvo kubudikidza naye ngatirambe tichingobayira chibayiro chekumurumbidza kuna Mwari, ndicho chibereko chemiromo inobvuma zita rake.16Asi musakangamwa kuita zvakanaka nekudyidzana; nekuti Mwari unofadzwa chose nezvibayiro zvakadaro.17teererai vanokutungamirirai, muzviise pasi pavo; nekuti vanorinda mweya yenyu, sevanhu vachazopa rondedzero, kuti vaite izvozvo nomufaro, kwete neshungu; nekuti izvozvo hazvikubatsiriyi.18Tinyengetererei; nekuti tinovimba kuti tine hana yakanaka, tichida kufamba zvakanaka pazvinhu zvose.19Ndinokukumbirisai kuti muite izvozvi, kuti ndikurumidze kudzoserwa kwamuri.20Zvino Mwari werugare, wakadzosa kuvakafa Mufudzi mukuru wamakwai, kubudikidza neropa resungano yekusingaperi, iye Ishe wedu Jesu Kristu,21ngaakupereredzei pabasa rose rakanaka kuti muite chido chake, iye achiita mukati menyu izvo zvinofadza pamberi pake kubudikidza naJesu Krisu, ngaave nekubwinya kusvikira rinhi narinhi. Ameni.22Asi ndinokukumbirisai, hama, tendai shoko rekurudziro, nekuti ndakunyorerai mashoko mashoma.23Zivai kuti Timotio hama yedu wakasunungurwa, kana akakurumidza kusvika, ndinozokuonai pamwe naye.24Kwazisai vose vanokutungamirirai, nevatsvene vose. Vanobva Itaria vanokukwazisai.25Nyasha ngadzive nemwi mose. Ameni.