1Jakobho, muranda waMwari newaIshe Jesu Kristu, kumarudzi gumi nemaviri akapararira: Kwaziwai!2Hama dzangu, zvitorei zvose semufaro kana muchiwira mumiidzo yakasiyana siyana;3muchiziva kuti kuidzwa kwerutendo rwenyu kunobereka kutsungirira.4Asi kutsungirira ngakuve nebasa rakapedzeredzwa, kuti muve vakaperedzera nekukwana musingashaiwi chinhu.5Uye kana umwe wenyu achishaiwa uchenjeri ngaakumbire kuna Mwari, unopavhurira vose asingagunun'uni; uchapiwa hake.6Asi ngaakumbire murutendo, asingakahadziki chinhu; nekuti munhu unokahadzika wakaita sefungu regungwa rinosundwa nemhepo richidzungaidzwa.7Nekuti munhu uyu ngaarege kufunga kuti uchazogamuchira chinhu kubva kuna Ishe;8munhu une moyo miviri, usina kwake panzira dzake dzose.9Asi hama yakaderera ngaifare pakukudzwa kwake;10nemufumi pakuderedzwa kwake, nekuti seruva reuswa uchapfuura.11Nekuti zuva rinobuda pamwe nekupisa kunopfutidza ndokuwomesa uswa; ruva rahwo rinowira pasi, nokunaka kwechimiro chahwo kwakaparara; saizvozvowo mufumi uchabvuruvara panzira dzake.12Wakaropafadzwa munhu unotsungirira pamuidzo; nekuti kana anzverwa, uchagamuchira korona yeupenyu Ishe yaakavimbisa avo vanomuda.13Kusava nemunhu unoti achiidzwa ati: Ndinoidzwa naMwari; nekuti Mwari haangaidzi nezvakaipa, naiye amene haangaidzi munhu.14Asi munhu umwe neumwe unoidzwa kana achikwehwa nekukwezwa nekuchiva kwake.15Zvino kuchiva kana kwakurirwa kunozvara chivi; nechivi kana chaperedzerwa, chinobereka rufu.16Musanyengerwa, hama dzangu dzinodikamwa.17chipo chose chakanaka nechipo chose chakaperedzerwa chinobva kumusoro, chichiburuka kubva kuna Baba vezviedza, uyo usina kupinduka kana mumvuri wekushanduka.18Nekuda kwekuda kwake wakatibereka neshoko rechokwadi, kuti isu tiite sechibereko chekutanga chezvisikwa zvake.19Naizvozvo, hama dzangu dzinodiwa, munhu umwe neumwe ngaave unokurumidza kunzwa, unononoka kutaura, unononoka kutsamwa;20Nekuti kutsamwa kwemunhu hakuiti kururama kwaMwari.21Saka bvisai zvinyangadzo zvose nekuwanda kweunhubu, mugamuchire nemoyo munyoro shoko rakabatanidzwa pamuri, rinogona kuponesa mweya yenyu.22Asi ivai vaiti veshoko, uye kwete vanzwi voga, muchizvinyengera.23Nekuti kana ani nani ari munzwi weshoko, asiri muiti waro wakafanana nomunhu unoona chiso chake chechisikigo muchionioni.24Nekuti unozviona, ndokuenda, ndokukangamwa pakarepo kuti wanga akadini.25Asi uyo unocherekedza murairo wakaperedzerwa wekusunungurwa, akaramba achidaro asati ari munzwi unokangamwa, asi muiti webasa, munhu uyu ucharopafadzwa pakuita kwake.26Kana munhu pakati penyu achiti unotenda, asingadzori rurimi rwake, asi achinyengera moyo wake, rutendo rwemunhu uyu harwuna maturo.27Rutendo rwakarurama, rwusina kusvibiswa pamberi paMwari naBaba ndirworwu, kufambira nherera nechirikadzi pakutambudzika kwavo, kuti azvichengete asina gwapa kubva kunyika.