1Hama dzangu, kutenda kwenyu kuna Ishe wedu Jesu Kristu wekubwinya ngakusava nerusarura.2Nekuti kana musinagoge renyu mukapinda munhu une mhete yendarama, akapfeka nguvo dzakanaka, mukapindawo murombo wakapfeka nguvo dzakasviba,3mukatarira uyo wakapfeka nguvo dzinobwinya, mukati kwaari: Gara pano zvakanaka; uye muti kumurombo: Iwe mira ipapo, kana: Gara pano pasi pechitsiko chetsoka dzangu;4ko hamuna kutsaura mukati menyu mukava vatongi vendangariro dzakaipa here?5Inzwai, hama dzangu dzinodikamwa. Mwari haana kusarudza varombo venyika vakafuma parutendo here, nevadyi venhaka yeushe hwaakavimbisa kune vanomuda?6Asi imwi makazvidza murombo. Ko vafumi havakutsikiririyi vachikukweverai kuzvigaro zvekutonga here?7Ivo havanyombi zita rakanaka ramunodaidzwa naro here?8Kana muchizadzisa murairo woushe, zvinoenderana nerugwaro runoti: Ida wokwako sezvaunozvida iwe, munoita zvakanaka.9Asi kana mune rusarura, munoita chivi, munopwiswa nemurairo sevadariki.10Nekuti ani nani unochengeta murairo wose, akagumburwa kune umwe, wava nemhosva kune yose.11Nekuti iye wakati: Usaita upombwe, wakatiwo: Usauraya. Zvino kana usingaiti upobwe, asi uchiuraya, wava mudariki wemurairo.12Taurai saizvozvo, uye itai seizvozvo sevanozotongwa nemurairo werusununguko.13Nekuti kutonga kusina tsitsi ndekweuyo usina kuitira vamwe tsitsi; uye tsitsi dzinozvirumbidza dzichikunda kutonga.14Zvinobatsirei, hama dzangu, kana munhu achiti ane rutendo asi asina mabasa? Rutendo urwu rwungamuponesa here?15Kana mukoma kana hanzvadzi yakashama, uye achishaiwa chikafu chezuva rimwe nerimwe,16mumwe wenyu akati kwavari: Endai murugare, mudziyirwe, mugute, musingavapi zvinhu izvo zvinodikamwa nemuviri, zvinogobatsirei?17Saizvozvowo rutendo kana rwusina mabasa, rwakafa pacharwo.18Asi mumwe uchati: Iwe une rutendo, neni ndine mabasa: Ndiratidze rutendo rwako rwusina mabasa, neni ndigokuratidza rutendo rwangu nemabasa angu.19Iwe unotenda kuti kuna Mwari mumwe; unoita zvakanaka; madhimoni anotendawo izvozvo achidedera.20Asi unoda kuziva here iwe munhu dununu, kuti rutendo rwusina mabasa rwakafa?21Abhurahamu baba vedu haana kunzi wakarurama nemabasa here abayira mwanakomana wake Isaka pamusoro pearitari?22Unoona kuti rutendo rwakabata pamwe nemabasa ake, uye nemabsa rutendo rwakaperedzerwa;23nerugwaro rukazadzisika rwunoti: Abhurahamu wakatenda Mwari, zvikaverengerwa kwaari kuti ndiko kururama; akanzi shamwari yaMwari.24Naizvozvo munoona kuti munhu unonzi wakarurama nemabasa, uye kwete nerutendo chete.25Saizvozvowo Rakabhi chifeve, haana kunzi wakarurama nemabasa here agamuchira nhume, nekudziendesa neimwe nzira?26Nekuti semuviri usina mweya wakafa, saizvozvo rutendo rwusina mabasa rwakafawo.