Shona

James

3

1Musava vadzidzisi vazhinji, hama dzangu, muchiziva kuti tichagamuchira kutongwa kwakakura kupfuvurisa.2Nekuti tinokanganisa tose pazvinhu zvizhinji. Kana munhu asingakanganisi pashoko, ndiye munhu wakaperedzerwa, unogona kudzora muviri wosewo.3Tarira, tinoisa matomu mumiromo yemabhiza kuti atiteerere, tichitenderedza muviri wawo wose.4Tariraiwo zvikepe, izvo kunyange zviri zvikuru zvakadai zvichitinhwa nemhepo dzinotyisa, zvinodzorwa nechidzoreso chiduku duku kose-kose kune chishuwo chemufambisi.5Kunyange rurimi mutezo muduku wakadaro, uye rwunozvirumbidza zvikuru. Tarirai moto muduku unotungidza huni zhinji sei!6Nerurimi moto, nyika izere nekuipa; ndizvo zvakaita rurimi pakati pemitezo yedu, kuti runosvibisa muviri wose, nekutungidza nzira yose yeupenyu, uye rwunotungidzwa negehena.7Nekuti marudzi ose emhuka, neeshiri, neezvose zvinokambaira, neezvinhu zviri mugungwa angapingudzwa, uye anopingudzwa nechimiro chevanhu;8asi hakuna munhu ungapingudza rurimi; rwakaipa, rwunoshanduka-shanduka, rwuzere nechepfu inouraya.9Narwo tinorumbidza Mwari ivo Baba, narwo tinotuka vanhu, ivo vakaitwa nemufananidzo waMwari;10mumuromo mumwewo munobva kurumbidza nekutuka. Hama dzangu, ngazviitike saizvozvo.11Chitubu chinobudisa pamuromo umwe mvura inonaka neinovava here?12Ko, hama dzangu, muvonde ungabereka maorivhi here, kana muzambiringa maonde? Saizvozvo chutubu hachibudisi mvura inovava neinonaka.13Ndiani wakachenjera newakangwara pakati penyu? Ngaaratidze nemufambiro wakanaka mabasa ake neunyoro hweuchenjeri.14Asi kana mune godo rinovava norukave mumoyo yenyu, musazvirumbidza nekurevera chokwadi nhema.15Kuchenjera uku hakuburuki kuchibva kumusoro, asi ndokwenyika, kwechisikirwo, kweudhimoni.16Nekuti pane godo nerukave, ndipo pane nyongano nebasa rose rakaipa.17Asi uchenjeri hwunobva kumusoro pakutanga hwakachena, kozouya kuva nerugare, kunyorova, kuteerera, kuzara netsitsi nezvibereko zvakanaka, hwusina kutsaura, hwusina kunyengera.18Uye chibereko chekururama chinodzwarwa murugare kune vanoita rugare.