Shona

James

4

1Dzinobvepi hondo nekurwa pakati penyu? Hazvibvi pakuchiva kwenyu kunorwa pamitezo yenyu here?2Munoshuva, asi hamuna chinhu; munouraya muchishumba, asi hamungawani chinhu, munorwa muchiita hondo; zvakadaro hamuna chinhu nekuti hamukumbiri.3Munokumbira asi hamugamuchiri, nekuti munokumbira zvakaipa, kuti muzviparadze pakuchiva kwenyu.4Imwi mhombwe nezvifeve, hamuzivi here kuti ushamwari hwenyika hwunovengana naMwari? Naizvozvo umwe neumwe unoda kuva shamwari yenyika, unoitwa muvengi waMwari.5Munofunga kuti rugwaro runotaura pasina maturo here ruchiti: Mweya, wakagara mukati medu unochiva negodo?6Asi unopa nyasha huru; saka unoti: Mwari unopikisa vanozvikudza, asi unopa nyasha vanozvininipisa.7Naizvozvo muzviise pasi paMwari, pikisai dhiabhorosi agokutizai.8Swederai kuna Mwari, iye agoswedera kwamuri; shambai maoko, vatadzi, mugonatsa moyo, imwi mune moyo miviri.9Suwai, mucheme, murire; kuseka kwenyu ngakushandurwe kuve kuchema, nemufaro uve kufundumwara.10Zvininipisei pamberi paIshe, agokukwiridzirai.11Musareverana zvakaipa, hama. Unorevera hama yake zvakaipa uye kutonga hama yake unorevera murairo zvakaipa nekutonga murairo; zvino kana uchitonga murairo, hausi muiti wemurairo, asi mutongi.12Mumwe chete ndiye mutemi wemurairo, iye unogona kuponesa nekuparadza; iwe ndiwe ani unotonga umwe?13Chinzwai imwi munoti: Nhasi kana mangwana tichaenda kuguta rekuti, tigogarako gore, tichitengeserana, tiwane mubairo;14imwi musingazivi zvamangwana. Nekuti upenyu hwenyu chii? Nekuti hwunongova mhute, inoonekwa nguva duku, ndokunyangarika;15pakudai muchiti: Kana Ishe achida, tichararama tigoita zvekuti nezvekuti.16Asi zvino munozvirumbidza pakuzvikudza kwenyu; kuzvirumbidza kose kwakadai kwakaipa.17Naizvozvo uyo unoziva kuita zvakanaka akasazviita chivi kwaari.