1Teererai imwi vafumi, rirai muridze mhere nekuda kwematambudziko enyu achakuwirai.2Fuma yenyu yakaora, uye nguvo dzenyu dzakafusiwa.3Ndarama yenyu nesirivheri zvine ngura; ngura yazvo ichava uchapupu kwamuri, ichadya nyama yenyu sezvinonzi moto. Makazvichengetera fuma pamazuva ekupedzisira.4Tarira, mubairo wevaranda vakacheka minda yenyu, yamakaramba nayo nekunyengera, unodanidzira; nekudana kwevacheki kwakasvika kunzeve dzaIshe wehondo.5Makagara muumbozha panyika muchikarira zvinofadza; makakodza moyo yenyu sepazuva rekubaya.6Makarasha, makauraya wakarurama; haakupikisii.7Naizvozvo tsungirirai, hama, kusvikira pakuuya kwaIshe. Tarira, murimi unomirira chibereko chevhu chinokosha, uye unotsungirira zvikuru kusvikira apiwa mvura yekutanga neyokupedzisira.8Imwiwo tsungirirai; simbisai moyo yenyu nekuti kuuya kwaIshe kwaswedera,9Musanyunyutirana, hama, kuti murege kupiwa mhosva; tarira, mutongi umire pamukova.10Torai muenzaniso wekutambudzika, hama dzangu, newekutsungirira vaporofita wavakataura nezita raIshe.11Tarira, tinoti vakaropafadzwa vakatsungirira; makanzwa zvekutsungirira kwaJobho, uye makavona zvaakavavarirwa naIshe, kuti Ishe une moyo munyoro kwazvo, une tsitsi.12Asi pamusoro pezvinhu zvose, hama dzangu, musapika, kana nedenga, kana nenyika, kana nekumwe kupika kupi; asi hongu yenyu ngaive hongu, uye kwete, kwete; kuti murege kuwira mukupiwa mhosva.13Kune umwe unotambudzika pakati penyu here? Ngaanyengetere. Pane unofara here? Ngaaimbe mapisarema.14Pane unorwara pakati penyu here? Ngaadane vakuru vekereke; uye ngavamunyengeterere, vachimuzodza namafuta muzita raIshe.15Uye munyengetero werutendo uchaponesa unorwara, uye Ishe uchamumutsa; zvino kana akaita zvivi, uchazvikangamwirwa.16Naizvozvo reururiranai zvivi zvenyu munyengetererane kuti muporeswe. Munyengetero wakasimba womunhu wakarurama une simba zvikuru.17Eria wakange ari munhu wemanzwiro akaita sesu, akanyengetera nemoyo wose kuti mvura irege kunaya; ikasanaya panyika makore matatu nemwedzi mitanhatu;18zvino wakanyengeterazve; denga rikapa mvura, nyika ikabereka zvibereko zvayo.19Hama, kana umwe pakati penyu achitsauka kubva pachokwadi, mumwe akamudzora,20ngaazive kuti uyo unodzora mutadzi panzira yekutsauka kwake uchaponesa mweya parufu nekufukidza zvivi zvizhinji.