1Mashoko oMuparidzi, mwanakomana waDhavhidhi, mambo paJerusaremu.2Zvanzi noMuparidzi, hazvina maturo chose, hazvina maturo chose, zvose hazvina maturo chose!3Munhu angabatsirweiko nokutambudzika kwake kose, kwaanotambudzika nako pasi pezuva?4Rudzi rumwe runoenda, rumwe rudzi runouya; asi pasi panongogarapo nokusingaperi.5Zuva rinobudawo, zuva rinovira, richikurumidzira kwarinozobudazve.6Mhepo inoenda zasi, yodzoka yoenda kumusoro; inoramba ichidzoka pakufamba kwayo; mhepo inodzokerazve pakupotereka kwayo.7Nzizi dzose dzinodira mugungwa, kunyange zvakadaro gungwa harizari; kunzvimbo kunoenda nzizi, ndiko kwadzinodzokerazve.8Zvinhu zvose zvizere nokuneta; hakuna munhu angazvitaura; ziso hariguti nokuona, nzeve haizari nokunzwa.9Chakanga chiripo, ndicho chichazovapo, chakamboitwa, ndicho chichazoitwa; hapane chinhu chitsva pasi pezuva.10Chinhu chiriko here, chatingati, Tarirai, chinhu ichi chitvsa? Chakanga chichingovapo kare, panguva dzakatitangira.11Marudzi akapfuura haacharangarirwi; namarudzi achazotevera, haangatongorangarirwi navanozovatevera.12Ini Muparidzi, ndakanga ndiri mambo waIsiraeri paJerusaremu.13Ndikarwadza moyo wangu kutsvaka nokunzvera nouchenjeri zvose zvinoitwa pasi pedenga; ibasa rinotambudza rakapiwa vanakomana vavanhu vaMwari, kuti vazvitambudze naro.14Ndakaona mabasa ose anoitwa pasi pezuva; tarirai, zvose hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo chete.15Chakakombama hachibviri kururamiswa; chinoshaikwa hachibviri kuverengwa.16Ndakataurirana nomoyo wangu, ndichiti, Tarira ndazviwanira uchenjeri hukuru, kukunda vose vakanditangira paJerusaremu;zvirokwazvo moyo wangu wakaona uchenjeri huzhinji nezivo.17Asi ndakati ndichirwadza moyo wangu kuti ndizive uchenjeri nezivo, noupengo noupenzi, ndikaona kuti naizvozvowo ndiko kudzingana nemhepo chete.18nekuti muuchenjeri huzhinji munokuchema kuzhinji; uye anowedzera zivo, anowedzera shungu.