Shona

Ecclesiastes

2

1Ndakati mumoyo mangu, uya zvino, ndichakuidza nomufaro; chifarira zvinhu zvakanaka! Asi tarira, naizvozvowo zvakanga zvisina maturo.2Kana kuri kuseka, ndakati, Upengo! Kana uri mufaro, ndakati, Unobatsireiko?3Ndakanzvera moyo wangu, ndione kuti ndingafadza nyama yangu sei newaini, moyo wangu uchindifambisa hawo nouchenjeri, uye kuti ndingaramba ndakabata upenzi, kusvikira ndaona kuti zvakanaka ndezvipi zvingaitwa navanakomana vavanhu pasi pedenga mazuva ose oupenyu hwavo.4Ndakazviitira mabasa makuru; ndakazvivakira dzimba; ndakazvirimira minda yemizambiringa;5ndakazviitira minda neminda yemiti, ndikasimamo miti inobereka michero yamarudzi ose;6ndakazviitira madziva emvura, kuti ndidiridze matondo pakanga pasimwa miti;7ndakatenga varanda navarandakadzi, ndikava navaranda vakaberekerwa mumba mangu; ndakanga ndine fuma zhinji yemombe nemakwai, kupfuura vose vakanditangira paJerusaremu;8ndakazviunganidzirawo sirivha nendarama, nefuma yamadzimambo neyenyika dzose; ndakazvitsvakira vaimbi varume navakadzi, nezvinofadza zvavanakomana vavanhu, navarongo vemarudzi ose.9Saizvozvo ndakanga ndiri munhu mukuru, ndikaramba ndichikura kupfuura vose vakanditangira paJerusaremu; uye huchenjeri hwangu hwakagara neni.10Zvose zvakadikamwa nameso angu handina kuanyima izvozvo; handina kutongodzora moyo wangu pamufaro upi noupi; nekuti moyo wangu wakange uchifara nokubata kwangu kose; ndiwo wakange uri mugove wangu wakabva pakubata kwangu kose.11Zvino ndakacherekedza mabasa ose akanga aitwa namaoko angu, nokubata kose kwandakatambura kubata tarira zvose zvakanga zvisina maturo, kwaiva kudzingana nemhepo chete, kwakanga kusine chinhu chinobatsira pasi pezuva.12Zvino ndakatendeuka kuti ndicherekedze uchenjeri, noupengo, noupenzi, nekuti chinyi chingaitwa nomunhu unotevera mambo? Izvozvo zvakanguva zvaitwa.13Ipapo ndakaona kuti, Uchenjeri hwakanaka kupfuura upenzi, zvichiita sechiedza chakanaka kupfuura rima.14Meso omunhu akachenjera ari mumusoro wake, asi benzi rinofamba murima; kunyange zvakadaro ndakaona kuti vose vanowirwa nechinhu chimwe chete.15Ipapo ndakati mumoyo mangu, Sezvinoitirwa benzi, ndizvo zvandichaitirwa neniwo; ko ini ndaiva wakachenjera nei ! Ndikati mumoyo mangu, izvi zvose hazvina maturowo.16nekuti munhu akachenjera akafanana nebenzi pakusarangarirwa nokusingaperi; nekuti zvinozokanganikwa zvose pamazuva anouya. Akachenjera haazinofa sebenzi here?17Saka ndakavenga upenyu, nekuti basa rinoitwa pasi pezuva rakandinzwisa shungu; nekuti zvose hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo chete.18Zvino ndakavenga kubata kwangu kose kwandatambura kubata pasi pezuva, zvandinofanira kuzvisiira munhu anonditevera.19Zvino ndiani angaziva kana iye achava akachenjera kana benzi? Kunyange zvakadaro achava nesimba pamusoro pokubata kwangu kose kwandakatambura kubata, nezvandakaita nouchenjeri pasi pedenga. Naizvozvowo hazvina maturo.20Saka ndakatendeuka, kuti ndiodze hangu moyo wangu pamusoro pokubata kwangu kose kwandakatambura kubata pasi pezuva.21nekuti munhu ariko akabata nouchenjeri nezivo noumhizha; kunyange zvakadaro anofanira kuzvisiira mumwe, uve mugove wake,asina kutongozvitamburira. Naizvozvowo hazvina maturo, chinhu chakaipa kwazvo.22nekuti munhu anowanei pamusoro pokubata kwake kose, nokushingaira komoyo wake, kwaanobata nako pasi pezuva?23nekuti mazuva ake ose inhamo chete, nokutambudzika kwake kuchema; zvirokwazvo kunyange usiku moyo wake hauzorori. Naizvozvowo hazvina maturo.24Hakune chinhu chinopfuura ichi,kuti munhu adye amwe afadze mweya wake nezvakanaka pakati pokubata kwake. Ndakaona kuti naizvozvi zvinobva kuruoko rwaMwari.25nekuti ndiani angadya, ndiani angafarira chinhu kudarika ini?26nekuti munhu, anomufadza, anopiwa huchenjeri, nezivo, nomufaro; asi mutadzi anopiwa kutambudzika, kuti aunganidze nokututira, agozvipa mumwe anofadza Mwari. Naizvozvowo hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo.