1Zvino ndakadzokazve, ndikaona kumanikidzwa kose kunoitwa pasi pezuva; tarira, kwakanga kune misodzi yavanomanikidzwa, vachishaiwa munyaradzi; vamanikidzi vavo ndivo vakanga vane simba, asi ivo vakashaiwa munyaradzi.2Naizvozvo ndakati vakafa, vakanguva vafa, vanomufaro kupfuura vapenyu vachiri vapenyu.3Zvirokwazvo, ndakati agere kutongovapo, iye asina kuona basa rakaipa rinoitwa pasi pezuva anomufaro kupfuura vapenyu.4Zvino ndakaona kubata kose noumhizha hwose pakubata, kuti munhu anovengwa nowokwake pamusoro pazvo. Naizvozvo hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo chete.5Benzi rinofungatira maoko aro, richidya nyama yaro.6Tsama imwe yorugare inopfuura nokunaka tsama mbiri dzokutambudzika no kudzingana nemhepo.7Zvino ndakadzoka, ndikaona zvisina maturo pasi pezuva.8Mumwe ariko anongogara ari oga, asina mumwe wake; zvirokwazvo, haana mwanakomana kana munin'ina, kunyange zvakadaro kubata kwake hakuna mugumo, uye meso ake haaguti nefuma. Anoti, Zvino ndinobatira ani, ndichinyima moyo wangu zvinhu zvakanaka? Naizvozvowo hazvina maturo, zvirokwazvo ndiko kutambudzika kukuru.9Vaviri vanopfuura mumwe, nekuti vanomubayiro wakanaka wokubata kwavo.10nekuti kana vakawira pasi, mumwe achasimudza shamwari yake; asi ari oga ane nhamo kana achiwira pasi, haano mumwe angamusimudza.11Uyezve, kana vaviri vachivata pamwechete, vachadziyirwa; asi mumwechete angadziyirwa sei?12Kana munhu akavamba mumwe, vaviri vangamudzivisa; rwonzi rwakakoshwa mutatu harungakurumidzi kudamburwa.13Jaya murombo, rakachenjera, rinopfuura mambo mutana benzi, asichazivi kutenda kana achirangwa.14nekuti akabuda mutirongo kuzova mambo; zvirokwazvo, kunyange paushe hwake akaberekwa ari murombo.15Ndakaona vapenyu vose vanofamba pasi pezuva, vachitevera jaya, iye wechipiri, wakamuka panzvimbo yake.16Vanhu vose vakanga vasingaverengwi, ivo vose vakanga vakabatwa naye; kunyange zvakadaro, vanozotevera havangamufariri. Zvirokwazvo, naizvozvowo hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo chete.