1Ngwarira rutsoka rwako kana uchienda kuimba yaMwari; nekuti kuswedera kuzonzwa kunopfuura kubayira chibayiro chamapenzi; nekuti havazivi kuti vanoita zvakaipa.2Usakurumidza nomuromo wako, moyo wako urege kukurumidza kutaura shoko pamberi paMwari; nekuti Mwari ari kudenga, iwe uri pasi; naizvozvo mashoko ako ngaave mashoma.3nekuti kurota kunouya namabasa mazhinji, nenzwi rebenzi namashoko mazhinji.4Kana uchinge wapikira Mwari mhiko, usanonoka kuiripa; nekuti iye haafariri mapenzi; ripa zvaunopika.5Zviri nani kuti urege kupika, pakuti upike usingaripi.6Usatendera muromo wako kutadzisa nyama yako; usati pamberi pomutumwa waMwari, Yakanga iri mhosho; Mwari achatsamwireiko inzwi rako,akaparadza basa ramaoko ako?7nekuti pazviroto zvizhinji napamashoko mazhinji pane zvisina maturo zvizhinji; asi iwe utye Mwari.8Kana uchiona murombo achimanikidzwa, nokururamisa nokururama zvichibviswa nesimba panyika, usashamiswa nazvo; nekuti mukuru kuvakuru vose anocherekedza; vamwe variko vakuru kwavari.9nekuti nyika inobatsirwa zvikuru nechinhu ichi, mambo anofarira kurimiwa kweminda.10Anoda sirivha, haangagutswi nesirivha, naiye anoda zvakawanda, haangagutswi nezvakawanda; naizvozvo hazvina maturo.11Kana fuma ichiwanda, vadyi vanowandawo; mwene wayo anobatsirwei, asi kungoona nameso ake.12Hope dzomunhu, unobata, dzakanaka, kana achidya zvishoma kana zvizhinji; asi kuguta komufumi hakumutenderi kuvata.13Kune chinhu chakaisvoipa, chandakaona pasi pezuva, fuma inochengetwa nomwene wayo, ichimuonesa nhamo.14fuma iyo inopera nechinhu chakaipa chinomuwira; kana achinge abereka mwanakomana, haana chinhu muruoko rwake.15Sezvaakabuda mudumbu ramai vake, achadzokazve asina chinhu, sezvaakabuda; haana chaakatamburira, chaangatora, chaangaenda nacho muruoko rwake.16Nechinhu ichi chakaisvoipawo, kuti pazvose, sezvaakauya, saizvozvo achaendazve; zvino achawaneiko, zvaakatamburira mhepo?17Mazuva ake osewo anodya murima, anotambudzika kwazvo; anourwere neshungu.18Tarirai, zvandakaona kuti zvakanaka, zvinofanira munhu, ndiko kuti adye, amwe, afarire zvinhu zvakanaka pakubata kwake kose kwaanobata pasi pezuva, mazuva ose oupenyu hwake hwaakapiwa naMwari; nekuti ndiwo mugove wake.19Munhu mumwe nomumwewo, akapiwa naMwari fuma nezvakawanda, akapiwawo simba kuti azvidye nokutora icho chipo chinobva kuna Mwari.20nekuti iye haangarangariri zvikuru mazuva oupenyu hwake, nekuti Mwari anopindura pamufaro womoyo wake.