1Kune chinhu chakaipa chandakaona pasi pezuva, chinoremedza vanhu.2Munhu anopiwa naMwari fuma nezvakawanda nokukudzwa, saizvozvo kuti mweya wake hautongoshaiwi chinhu chaanoda; asi Mwari haamupi simba rokudya izvozvo; asi mutorwa anozvidya, ichi hachina maturo, ihosha yakaipa.3Kana munhu akabereka vana vane zana, akararama makore mazhinji, mazuva amakore ake akava mazhinji, asi mweya wake asingagutswi nezvakanaka, uyezve akasavigwa zvakanaka, ndinoti mwana wakaberekwa nguva isati yasvika anopfuura iye;4nekuti anouya asina maturo, anoendazve murima, zita rake rinofukidzwa nerima;5uyezve, haana kuona zuva kana kuriziva; mwana akadai ane zororo kupfuura iye.6Zvirokwazvo, kunyange akararama makore ane zviuru zviviri zvamazana, asingafariri zvinhu zvakanaka, ko vose havaendi kunzvimbo imwe here?7Kubata kose komunhu kunoitirwa muromo wake; kunyange zvakadaro kuda kwake zvokudya hakugutswi.8nekuti akachenjera anokurira benzi nei? Kana murombo anei, iye anoziva kufamba zvakanaka pamberi pavapenyu.9Kuona kwameso kunopfuura kutsvakatsvaka komweya. Naizvozvowo hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo chete.10Chinhu chipi nechipi, chakavapo, chakanguva chapiwa zita racho, zvakatarwa kuti munhu achava akadini, haangarwi nowanomupfuura nesimba.11nekuti mashoko mazhinji ariko, anowedzera zvisina maturo; munhu anobatsirwei nazvo?12nekuti ndiani anoziva zvakafanira munhu paupenyu hwake, iwo mazuva ose oupenyu hwake husina maturo, anorarama somumvuri? nekuti ndiani angaudza munhu zvichazomutevera pasi pezuva?