1Mbiri yakanaka inopfuura chizoro chakanaka, nezuva rokufa kupfuura zuva rokuzvarwa.2Zviri nani kuenda kuimba yokuchema, pakuenda kuimba yomutambo; nekuti ndiwo mugumo wavanhu vose; munhu mupenyu achazvirangarira pamoyo pake.3Kuchema kunopfuura kuseka, nekuti moyo unofadzwa nokupunyaira kwechiso.4moyo yavakachenjera iri paimba yokuchema, asi moyo yamapenzi iri paimba yokufara.5Zviri nani kuti munhu anzwe kutuka kwavakachenjera, pakuti anzwe kuimba kwamapenzi.6nekuti kuseka kwebenzi kwakafanana nokuputika kwemhinzwa pasi pehari; naizvozvowo hazvina maturo.7Zvirokwazvo kumanikidza kunoita muchenjeri benzi; uye fufuro inoparadza njere.8Kuguma kwechinhu kunopfuura kutanga kwacho; ano moyo murefu anopfuura ano moyo unozvikudza.9Usakurumidza pamweya wako kutsamwa, nekuti kutsamwa kunogara pachipfuva chamapenzi.10Usati, Mazuva ekare anopfuura azvino nokunaka neiko? nekuti haungabvunzi saizvozvo nouchenjeri.11Uchenjeri hwakaenzana nenhaka; zvirokwazvo, hwakaisvonaka kuna vanoona zuva.12nekuti uchenjeri chitaviridzo, mariwo chitaviridzo, asi kunakisa kwezivo ndiko, kuti uchenjeri hunochengeta hupenyu hwaiye anahwo.13Cherekedza basa raMwari, nekuti ndiani angaruramisa chaakakombamisa iye?14Fara nezuva rokugara zvakanaka, rangarira nezuva rokutambudzika; Mwari ndiye akaita izvozvo zvose zviviri, kuti munhu arege kuziva zviri mberi kwake.15Izvozvi zvose ndakazviona pamazuva angu asina maturo. Akarurama ariko, anoparara pakati pokururama kwake, uyezve, munhu akaipa ariko, anorarama nguva huru pakati pezvakaipa zvake.16Usava munhu wakaisvorurama, usava wakaisvochenjera; uchazviparadzireiko?17Usava munhu akaisvoipa, uye usava benzi; uchafireiko nguva yako isati yasvika?18Zvakanaka kuti ubatisise chinhu ichi, uye usabvisa ruoko rwako panechecho; nekuti anotya Mwari, achapukunyuka panaizvozvo zvose.19Uchenjeri hunosimbisa akachenjera kupfuura vabati vane gumi vari muguta.20Zvirokwazvo, hapana munhu akarurama panyika, anoita zvakanaka, asingatadzi.21Uyezve, usava nehanya namashoko ose anotaurwa, kuti urege kunzwa muranda wako achikutuka.22nekuti kazhinji moyo wako unoziva kuti newewo wakatuka vamwe saizvozvo.23Izvozvi zvose ndakazviidza nouchenjeri; ndakati, Ndichava akachenjera; asi zvakanga zviri kure neni.24Izvo, zviripo, zviri kure, zvakadzika kwazvo, ndiani angazviziva?25Ndakatendeuka, nemoyo wangu ukada kuziva nokunzvera, nokutsvaka uchenjeri namano, ndizive kuti kuipa upenzi, noupenzi kupenga.26Ndikawana chinhu chinovava kukunda rufu, ndiye mukadzi ari musungo, moyo wake ari mambure, namaoko ake zvisungo; Ani naani wakanaka pana Mwari, achapukunyuka kwaari; asi mutadzi achabatwa naye.27Zvanzi noMuparidzi, Tarirai, ndizvozvi zvandakawana, ndichiverenga chinhu chimwe nechimwe, kuti ndiwane shumo yazvo;28zvinongoramba zvichitsvakwa nomweya wangu, asi ndigere kuzviwana, ndakawana murume mumwe pakati pechiuru chezana, asi handina kuwana mukadzi pakati pavazhinji vakadai.29Asi tarirai, chinhu chimwe ichi chete ndicho chandakawana, kuti Mwari akaita munhu akarurama, asi ivo vakatsvaka mano mazhinji.