1Ndiani akafanana nomunhu akachenjera? Ndiani anoziva kududzira chinhu? Uchenjeri hwomunhu hunobwinyisa chiso chake; hasha dzechiso chake dzinoshandurwa.2Ndinoti, Chengeta murayiro wamambo, uzviite nokuda kwezvawakapikira Mwari.3Usakurumidza kubva pamberi pake; usatsungirira pachinhu chakaipa, nekuti anoita zvose zvaanoda.4nekuti shoko ramambo rine simba, ndiani angati kwaari, Munoiteiko?5Munhu anochengeta murayiro, haangaoni chinhu chakaipa; moyo wowakachenjera unoziva nguva nokutongwa.6nekuti chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho nokutongwa kwacho; nekuti kushata komunhu kunomuremedza;7nekuti haazivi zvichazovapo; nekuti ndiani angamuzivisa kuti zvichava zvakadini?8Hakuna munhu ane simba pamusoro pemhepo, kuti adzivirire mhepo; uye haana simba pamusoro pezuva rorufu; hakuna kukangamwirwa pakurwa; saizvozvo zvakaipa hazvingarwiri iye anozviita.9Izvozvi zvose ndakazviona, ndikarangarira nomoyo wangu mabasa ose anoitwa pasi pezuva, panguva kana mumwe munhu ane simba pamusoro pomumwe, achimuitira zvakaipa.10Saizvozvo ndakaona akaipa achivigwa, vanhu vakauya kuhwiro hwake; asi vakanga vaita zvakarurama vakabva panzvimbo tsvene, vakakanganikwa muguta; naizvozvo hazvina maturo.11Kutongwa zvakusingakurumidzi kuuya pamusoro pebasa rakaipa, moyo yavanakomana vavanhu inotsungirira kuita zvakaipa.12Kunyange mutadzi akaita zvakaipa rune zana, akava namazuva mazhinji, kunyange zvakadaro ndinoziva zvirokwazvo kuti vanotya Mwari, vanotya pamberi pake, vachagara zvakanaka;13asi akaipa haangagari zvakanaka, haangavi namazuva mazhinji, zvaakafanana nomumvuri; nekuti haatyi pamberi paMwari.14Chinhu chisina maturo chiripo, chinoitwa panyika, ndicho kuti vakarurama variko vanoitirwa sezvinoitirwa mabasa avakaipa, uyezve vakaipa variko vanoitirwa sezvinoitirwa mabasa avakarurama; ndikati, Naizvozvi hazvina maturo.15Ipapo ndakarumbidza mufaro, nekuti munhu haane chinhu chinopfuura ichi, kuti adye, amwe, afare; kuti izvozvo zvigare naye pakubata kwake mazuva ose ohupenyu hwake, hwaakapiwa naMwari pasi pezuva.16Zvino ndakati ndichirangarira nomoyo wangu kuti ndizive uchenjeri nokuona kubata kunoitwa panyika (nokuti vamwe variko vasingaoni hope nameso avo masikati novusiku),17ndikaona mabasa ose aMwari, kuti munhu haanganzwisisi mabasa ose anoitwa pasi pezuva; nekuti kunyange munhu akatambura hake kuti azvinzvere, haanganzwisisi hake; zvirokwazvo, kunyange munhu, akachenjera, achiti, ndinozviziva, kunyange zvakadaro, haangagoni kuzvinzwisisa.