Shona

Ecclesiastes

9

1nekuti izvozvo zvose ndakazvira ngarira nomoyo wangu, kuti ndinzwisise izvozvi zvose, kuti vakarurama navakachenjera vari paruoko rwaMwari, pamwechete namabasa avo; kana kuri kuda kana kuvenga, munhu haazvizivi; zvose zviri mberi kwazvo.2Zvose zvinoenzanisirwa vose; chinhu chimwe chinoitirwa wakarurama nowakaipawo, wakanaka nowakachena nowane tsvina, anobayira nowasingabayiri, akanaka nomutadzi, anopika nowanotya kupika.3Chinhu ichi chakaipa pakati pezvose zvinoitwa pasi pezuva, kuti chinhu chimwe chiitirwe vose; zvirokwazvowo, moyo yavanakomana vavanhu izere nezvakaipa, uye upengo huri mumoyo yavo vachiri vapenyu; shure kwaizvozvo vanoenda kuvakafa.4nekuti kana munhu achiri pakati pavapenyu vose, achine chinhu chaangatarira; nekuti imbwa mhenyu inopfuura shumba yakafa.5nekuti vapenyu vanoziva kuti vachazofa, asi vakafa havana chavanoziva, kunyange nomubayiro havachina; nekuti havacharangarirwi.6Rudo rwavo, nokuvenga kwavo, negodo ravo, zvose zvanguva zvapera hazvo; havachino mugove nokusingaperi pazvose zvinoitwa pasi pezuva.7Enda zvako, udye zvokudya zvako nomufaro, umwe waini yako nomoyo wakafara; nekuti Mwari atofadzwa namabasa ako.8nguvo dzako dzigare dzakachena, nomusoro wako urege kushaiwa mafuta.9Gara nomufaro nomukadzi wako, waunoda, mazuva ako ose asina maturo, aakakupa pasi pezuva, mazuva ako ose asina maturo; nekuti ndiwo mugove wako paupenyu, uye pakubata kwako kwaunobata pasi pezuva.10Zvose zvinowana ruoko rwako, kuti ruzviite, uzviite nesimba rako rose; nekuti hakune basa, kana zano, kana zivo, kana uchenjeri paSheori kwaunoenda.11Ndakadzoka, ndikaona pasi pezuva, kuti anomhanyisa haazi iye anokunda pakurwa ane simba haazi iye anokunda pakurwa, akachenjera haazi iye ane zvokudya , vanhu vane njere havazi ivo vane fuma, vanhu vanoumhizha havazi ivo vanofarirwa; asi vanowirwa vose nenguva nezvinoitika.12nekuti nomunhuwo haazivi nguva yake; sehove, dzinobatwa murutava rwakaipa, kana shiri, dzinobatwa murugombe; saizvozvo vanakomana vavanhu vanoteyiwa nenguva yakaipa, kana yavawira kamwe-kamwe.13Ndakaonawo pasi pezuva uchenjeri hwakadai, ndikati hukuru.14Kwakanga kune guta duku, maiva navarume vashoma; mumwe mambo mukuru akarimukira, akarikomba, akarivakira masvingo makuru okurwa nawo.15Zvino mukati maro makawanikwa murombo akanga akachenjera, iye akaponesa guta nouchenjeri hwake; asi hakuna munhu akarangarira munhu uyo murombo.16Ipapo ndakati, Uchenjeri hunopfuura simba; kunyange zvakadaro uchenjeri hwomurombo hunoshorwa, namashoko ake haateererwi.17Mashoko avakachenjera, anonzwika kana kwakadzikama, anopfuura kudanidzira komunhu anobata ushe pakati pamapenzi.18Uchenjeri hunopfuura nhumbi dzokurwa; asi mutadzi mumwe anoparadza zvakanaka zvizhinji.