Shona

Genesis

34

1Zvino Dhina mwanasikana waRea, waakaberekera Jakove, aka­buda kunoona vakunda venyika iyoyo.2Uye Shekemu mwanakomana waHa­mori muHivhi, muchinda wenyika, wakamuona; akamutora, akarara naye, akamufumura.3Mweya wake ndokunamatira panaDhina, mukunda waJakove, ndokuda musikana, akataura kumoyo wemusikana.4Zvino Shekemu ndokutaura kuna baba vake Hamori achiti: Ndi­torerei musikana uyo ave mukadzi wa­ngu.5Zvino Jakove wakanzwa kuti akasvibisa Dhina mukunda wake; zvino vanakomana vake vakange vari kuzvipfuwo zvake kusango, Jakove ndokunyarara kusvikira vauya.6Hamori baba vaShe­kemu vakabuda vakaenda kuna Jakove kunotau­rirana naye.7Vakati vachinzwa izvozvo vanakomana vaJakove vakauya vachi­bva kusango; zvino varume ava vakazarirwa kwazvo, vakatsamwa zvi­kuru nekuti wakange aita upenzi pakati pevaIsiraeri nekurara nemukunda waJakove; chinhu chisingafaniri kuitwa saizvozvo.8Zvino Ha­mori wakataurirana navo achiti: Shekemu mwanakomana wangu, moyo wake unodokwairira mukunda wenyu; domupai he­nyu iye ave mukadzi wake.9Uye waniranai nesu, tipei vakunda venyu, mugozvitorera vakunda vedu.10Uye garai henyu nesu, nyika ichava pamberi penyu; garai mutengeserane, mupfuwe mairi.11Shekemu ndokuti kuna baba vemusikana nekuhanzvadzi dzake, Ngandiwane nyasha pameso enyu; uye chamuchareva kwandiri, ndichakupai.12Pamhidzirai zvikuru kwandiri roora nechipo; uye ndichapa sezvamuchareva kwandiri; asi ndipei musikana ave mukadzi wangu.13Vanakomana vaJakove ndokupi­ndura Shekemu naHamori baba vake, neunyengeri, vakati, nekuti wakasvibisa hanzvadzi yavo Dhina,14ndokuti kwavari: Hatingagoni kuita chinhu ichi, kupa hanzvadzi yedu munhu une ganda repamberi, nekuti chinyadzo kwatiri.15Asi nechinhu ichi tingatenderana nemwi, kana mukava sesu, kuti murume umwe neumwe wekwenyu adzingiswe,16zvino ticha­kupai vakunda vedu, nesu vakunda venyu tizvitorere; uye tichagara nemwi tive rudzi rumwe.17Asi kana musingatitereri mukadzingiswa, tichatora mukunda wedu tiende.18Mashoko avo akava akanaka pameso aHamori, nepameso aShekemu, mwanakomana waHamori.19Jaya harina kunonoka kuita chinhu ichi, nekuti waifarira muku­nda waJakove; uye waiku­dzwa kupfuura imba yose yababa vake.20Zvino Hamori wakasvika, naShekemu mwa­nakomana wake, kusuwo reguta ravo, ndokutaurirana nevanhu veguta ravo vachiti:21Varume ava vane rugare nesu; naizvozvo ngavagare munyika, vagotengeseranamo; nekuti nyika, tarirai, yakafara pamberi pavo; vakunda vavo tichavatora vave vakadzi vedu, nevakunda vedu tichavapa ivo.22Asi pachinhu ichi chete varume vachatenderana nesu, kugara nesu, nekuva serudzi ru­mwe, kuti murume wose wedu adzingiswa, sezvavakadzingiswa ivo.23Ko mo­mbe dzavo, nenhumbi dzavo, nezvipfuwo zvavo zvose hazvichavi zvedu here? Ngatitenderane navo koga, vagogara nesu.24Zvino vakateerera Hamori naShe­kemu mwanakomana wake, vose vaibuda pasuwo reguta rake, ndokudzingiswa, murume umwe neumwe, vose vaibuda pasuwo reguta rake.25Zvino zvakaitika nezuva retatu vachiri paku­rwadziwa, vanakomana vaviri vaJako­bho, Simioni naRevhi, hanzvadzi dzaDhina, vakatora umwe neumwe munondo wake, vakanyangira guta, ndokuuraya varume vose.26Ndokuuraya Hamori naShekemu mwanakomana wake, nekwakapinza kwemunondo, vakabudisa Dhina mumba maShekemu, va­kabuda.27Vanakomana vaJakove vakauya pamusoro pevakauraiwa, vakapamba guta, nekuti vakange vasvibisa hanzvadzi yavo.28Vakatora makwai avo nemombe dzavo nemadhongi avo nezvaiva muguta nezvaiva kusango;29nefuma yavo yose, nevana vavo vaduku vose, nevakadzi vavo vakavatapa vakapamba, nezvinhu zvose zvaiva mudzimba.30Jakove ndokuti kuna Simioni naRevhi: Manditambudza, nekundinhuwisa pakati pevagari vemunyika ino, pakati pevaKanani nevaPerezi; ini ndiri mushoma pauwandu, vachandiunganira, vagondirova; ndichaparara ini neimba yangu.31Ivo ndokuti: Aite hanzvadzi yedu sechifeve here?