Shona

Genesis

35

1Zvino Mwari wakati kuna Jakove: Simuka, ukwire kuBheteri, ugonogara ikoko; ugoitira ipapo aritari Mwari wakaonekera kwauri pawai­tiza pachiso chaEsau mukoma wako.2Jakove ndokuti kuimba yake nevose vaiva naye: Bvisai vamwari vendudzi vari pakati penyu, muzvinatse, mufuke dzimwe nguvo.3Ngatisi­muke, tikwire kuBheteri; ndichaitira ipapo Mwari aritari, iye wakandipindura pazuva rekutambudzika kwangu, uye wakava neni panzira yandaifamba nayo.4Zvino vakapa Jakove vamwari vose vendudzi vaiva pamaoko avo, nemhete dzaiva panzeve dzavo; Jakove akazviviga pasi pemuouki* waiva paShekemu.5Zvino vakafamba; uye kutya Mwari kwaiva pamusoro pemaguta akavapoteredza, uye havana kudzingirira vanakomana vaJakove.6Jakove ndokusvika paRuzi, riri panyika yeKanani, ndiro Bheteri, iye nevanhu vose vaiva naye.7Zvino wakavakapo aritari, akatumidza nzvimbo kuti Eri-Bheteri, nekuti ipapo Mwari wakaonekera kwaari pakutiza kwake pachiso chemu­koma wake.8Zvino Debhora mureri waRa­bheka wakafa, akavigwa zasi kweBheteri munyasi memuouki; naizvozvo wakatumidza zita rapo Aronibhakuti.9Zvino Mwari wakazviratidzazve kuna Jakove pakubva kwake Padhani-Aramu, akamuropafadza.10Mwari ndokuti kwaari: Zita rako ndiJakove; zita rako harichazonzi Jakove, asi Isiraeri richava zita rako; akatumidza zita rake kuti Isiraeri.11Zvino Mwari akati kwaari: Ndini Mwari Wemasimbaose; bereka uwa­nde; rudzi, hongu, boka rendudzi zvichabva kwauri, nemadzishe achabuda pachiuno chako.12Uye nyika yandakapa Abhurahamu naIsaka ndichapa kwauri, nekumbeu yako shure kwako ndichaipa nyika.13Mwari ndokukwira achibva kwaari panzvimbo paakataura naye.14Jakove ndoku­misa mbiru panzvimbo paakataura naye, mbiru yebwe; akadurura pamusoro payo chipiriso chechinwiwa, akadi­ra pamusoro payo mafuta.15Jakove ndokutumidza zita renzvimbo Mwari paakataura naye, Bheteri.16Zvino vakafamba vachibva Bheteri; chichiri chi­nhambo kusvika Efurata; Rakeri akapona, akarwadziwa pakupona.17Zvino zvikaitika pakurwadziwa achipona, kuti nyamukuta wakati kwaari: Usatya, nekuti uchava nemwanakomanazve.18Zvino zvakaitika mweya wake wobuda, nekuti wakafa, kuti wakatumidza zita rake Bhenoni; asi baba vake vakamutumidza Bhenjamini.19Rakeri ndokufa, akavigwa panzira inoenda Efurata, ndiro Bhetere­hemu.20Jakove ndokumisa mbiru pa­musoro peguva rake; ndiyo mbiru yeguva raRakeri kusvikira zuva ranhasi.21Isiraeri ndokufamba, akadzika tende rake mhiri kweshongwe yeEdheri.22Zvino zvakaitika Isiraeri agere munyika, kuti Rubheni wakaenda akanorara naBhiriha, murongo wababa vake, Isiraeri ndokuzvinzwa.23vanakomana vaRea: Rubheni, dangwe raJakove, naSimioni, naRevhi, naJudha, nalsakari, naZebhu­roni;24vanakomana vaRakeri: Josefa naBhenjamini;25uye vanakomana vaBhiriha, murandakadzi waRakeri: Dhani naNafu­tari;26uye vanakomana vaZiripa, muranda­kadzi waRea: Gadhi naAsheri. Ndivo vanakomana vaJakove, vaakaberekerwa paPadhani-Aramu.27Jakove ndokusvika kuna Isaka baba vake paMamure, paKi­riyati-Abha ndiro Hebhuroni, Abhurahamu paaigara naIsaka vari vato­rwa.28Zvino mazuva aIsaka aiva makore zana nemakumi masere.29Isaka ndokupera, akafa, akaunganidzwa pamarudzi ekwake, akwegura, azara nemazuva; vanakomana vake Esau naJakove vakamuviga.