Shona

Genesis

45

1Zvino Josefa haana kugona ku­zvidzora pamberi pavose vakanga vamire naye, akadana, achiti, Budisai vanhu vose vari pano neni. Zvino kwa­kanga kusina munhu akamira naye Josefa achizvizivisa kuvana vababa vake.2Aka­chema kwazvo, vaEgipita naveimba yaFa­rao vakazvinzwawo.3Ipapo Josefa akati kuvana vababa vake, Ndini Josefa! Baba vangu vachiri vapenyu Here? Vana va­baba vake vakasagona kumupindura, no­kuti vakanga vachitya pamberi pake.4Josefa akati kuvana vababa vake, Do­swederai henyu kwandiri. Zvino vaka­swedera. lye akati, Ndini Josefa, mwana wababa venyu wamakatengesa ndikaiswa Egipita.5Zvino musazvidya moyo, kana kuzvitsamwira, zvamakanditengesera kuno; nekuti Mwari akandituma pamberi penyu, kuti ndichengete upenyu.6nekuti zvino ava makore maviri enzara panyika ino; mamwe makore mashanu achiko, avasingazorimi nokukohwa nawo.7Mwari akandituma pamberi penyu kuti ndikuchengetei, muve navamwe vacha­sara panyika, ndikuraramisei kuti musu­nungurwe nokusunungurwa kukuru.8Zvino hamuzimi makandituma pano, asi Mwari; iye akandiita baba kuna Farao nashe weimba yake yose, nomubati we­nyika yose yeEgipita.9Kurumidzai, mu­kwire kuna baba vangu, mundoti kwavari, Zvanzi naJosefa, mwanakomana wenyu, Mwari akandiita ishe weEgipita rose; buru­kirai kwandiri musanonoka;10mugare panyika yeGosheni, mugova pedo neni, imwi, navanakomana venyu, navana vavana venyu, namakwai enyu, nemombe dze­nyu, nezvose zvamunazvo;11ndichaku­chengetaipo, nekuti mamwe makore ma­shanu enzara achiripo, kuti murege kuzova varombo, imwi, naveimba yenyu, nezvose zvamunazvo.12Tarirai meso enyu anoona, nameso omunin'ina wangu Bhenjamini kuti muromo wangu unotaura kwamuri.13Mundoudza baba vangu ku­kudzwa kwangu kose paEgipita, nezvose zvamaona; mukurumidze kuburutsira baba vangu kuno.14Akawira pamutsipa waBhenja­mini, munin'ina wake, akachema, naiye Bhenjamini akachema pamutsipa wake.15Akatsvoda vakoma vake vose, aka­chema pamusoro pavo; shure kwaizvo­zvo vakoma vake vakataura naye.16Zvino mukurumbira wazvo waka­nzwika mumba maFarao, zvichinzi, Vana vababa vaJosefa vasvika! Farao navaranda vake vakafara naizvozvo.17Farao akati kuna Josefa, Iti kuvana vababa vako, Itai chinhu ichi: Takudzai zvipfuwo zvenyu, mufambe, muende ku­nyika yeKanani;18mundotora baba ve­nyu navedzimba dzenyu muuye kwa­ndiri; ndichakupai zvinhu zvakaisvonaka zvenyika yeEgipita, mudye zvakakora zve­nyika.19Zvino chiitai sezvamarairwa; torerai vana venyu vaduku navakadzi venyu ngoro panyika yeEgipita, mundotora baba venyu, muuye.20Musafunga nhu­mbi dzenyu, nekuti zvakaisvonaka zve­nyika yose yeEgipita ndezvenyu.21Vanakomana vaIsiraeri vakaita saizvozvo. Josefa akavapa ngoro, sezvaa­karairwa naFarao, akavapa mbuva yoku­famba nayo.22Akapa vose, mumwe no­mumwe nguvo dzakanaka; asi Bhenjamini akamupa mashekeri ana mazana matatu esirivha nenguvo dzakanaka shanu.23Nababa vake akavatumira mbo­ngoro dzine gumi, dzakanga dzakatakura zvinhu zvakaisvonaka zveEgipita, namaka­dzi emadhongi gumi akanga akata­kura zviyo, nechingwa, nezvokudya zva­baba vake zvorwendo.24Zvino akatendera vana vababa vake kuenda, vakabva; akati kwavari, Chenjerai, mu­satukana munzira.25Ipapo vakabva Egipita, vakakwira, vakandosvika kunyika yeKanani kuna Jakove, baba vavo.26Vakavaudza, va­kati, Josefa achiri mupenyu; ndiye mu­bati wenyika yose yeEgipita. Ipapo moyo wavo wakati rukutu, nekuti ha­vana kutenda.27Vakavaudza mashoko ose aJosefa; zvino vakati vaona ngoro dzakanga dza­tumwa naJosefa kuzovatakura, mweya waJakove, baba vavo, ukavandudzwa;28Isiraeri akati, Zvaringana! Josefa, mwanakomana wangu achiri mupenyu; ndichaenda ndimuone ndisati ndafa.