Shona

Genesis

46

1Zvino Isiraeri akabva nezvose zvaakanga anazvo, akasvika Bheerishebha, akabayira Mwari wababa vake Isaka zvibayiro.2Mwari akataura naIsiraeri nezviratidzo usiku, akati, Jakove ! Jakove ! Iye akati, Ndiri pano hangu.3Akati, Ndini Mwari, iye Mwari wababa vako; usatya hako kuburukira Egipita; nekuti ndichakuita rudzi rukuru ikoko;4ndichaburukira Egipita newe, ndigokudzosazve zvirokwazvo; Josefa uchaisa ruoko rwake pachiso chako.5Jakove akasimuka, akabva Bheeri­shebha; vanakomana vaIsiraeri vakata­kura Jakove baba vavo, navana vavo vaduku, navakadzi vavo, nengoro dzaka­nga dzatumwa naFarao kuti dzivatakure.6Vakatora mombe dzavo nenhumbi dzavo dzavakanga vawana munyika yeKanani, vakasvika Egipita, Jakove nava­nakomana vake vose pamwechete naye;7vanakomana vake, navana vavanako­mana vake pamwechete naye, navakunda vake, navakunda vavanakomana vake, navose vorudzi rwake, vakaenda navo Egipita.8Ndiwo mazita avana vaIsiraeri va­kasvika Egipita: Jakove, navanakomana vake, vachiti: Rubheni, dangwe raJako­bho.9Navanakomana vaRubheni: Ha­noki, naParu, naHezironi, Karami.10Na­vanakomana vaSimioni: Jemueri, naJamini, naOhadhi, naJakini, naZohari, naShauri, waiva mwanakomana womu­kadzi weKanani.11Navanakomana vaRe­vhi: Gerishoni, naKohati, naMerari.12Navanakomana vaJudha: Eri, naOnani, naShera, naPerezi, naZera; asi Zera naOnani vakafira panyika yeKanani. Vanako­mana vaPerezi vaiva Hezironi, naHa­mori.13Navanakomana vaIsakari: Tora, naPuwa, naJobho, naShimuroni.14Nava­nakomana vaZebhuroni: Seredhi, naEroni, naJareeri.15Ndivo vanakomana vaRea, vaakaberekera Jakove paPadhanaramu, nomukunda wake Dhina; vanakomana vake navakunda vake vose vaiva vanhu vana makumi matatu navatatu.16Navanakomana vaGadhi: Zifioni, naHagi, naShumi, naEzibhoni, naEri, naArodhi, naAreri.17Navanakomana vaAsheri: Imuna, naIshivha, naIshivhi, naBheria, naSera, hanzvadzi yavo; nava­nakomana vaBhiriha vaiva Hebheri, naMakieri.18Ndivo vanakomana vaZiripa, Rabhani waakapa Rea, mukunda wake; akaberekera Jakove vanhu ava vane gumi navatanhatu.19Vanakomana vaRakeri, mukadzi waJakove, vaiva Josefa naBhenjamini.20Josefa akaberekerwa Manase naEfu­remu panyika yeEgipita, ndivo vaakabere­kerwa naAsenati, mukunda waPotifari, mupristi weOni.21Navanakomana vaBhenjamini: Bhera, naBhekeri, naAshi­bheri naGera, naNaamani, naEhi, naRo­shi, naMupimi, naHupimi, naAdhi.22Ndivo vanakomana vaRakeri, vakaberekerwa Jakove; vose vaiva vane gumi navana.23Navanakomana vaDhani: Hu­shimi.24Navanakomana vaNafutari: Ja­zeeri, naGuni, naJezeri, naShiremi.25Ndivo vanakomana vaBhiriha, Rabhani waakapa Rakeri, mukunda wake; ndivo vaakaberekera Jakove; vose vaiva vano­mwe.26Zvino vanhu vose vakauya naJa­kobho Egipita, vakanga vabuda pachiuno chake, vakadzi vavanakomana vaJakove vasingaverengwi, vose vaiva vanhu vana makumi matanhatu navatanhatu.27Vana­komana vaJosefa vaakanga aberekerwa Egipita vaiva vanhu vaviri; vose veimba yaJakove vakauya Egipita, vaiva vanhu vana makumi manomwe.28Akatuma Judha pamberi pake kuna Josefa kuti amuratidze nzira inoe­nda Gosheni.29Ipapo Josefa akagadzira ngoro yake, akakwira Gosheni, kundosa­ngana naIsiraeri, baba vake; akazvizivisa kwavari, akawira pamutsipa wavo, aka­chema pamutsipa wavo nguva huru.30Isiraeri akati kuna Josefa, Zvino nga­ndichifa hangu, nekuti ndaona chiso chako, kuti uchiri mupenyu.31Zvino Josefa akati kuvana vababa vake naveimba yababa vake, Ini ndicha­kwira kundoudza Farao, ndichiti kwaari, Vana vababa vangu, naveimba yababa vangu, vaigara kunyika yeKanani, va­svika kwandiri;32varume ava vafudzi, nekuti vaipfuwa zvipfuwo; vauya nama­kwai avo, nemombe dzavo, nezvose zva­vanazvo.33Zvino kana modamwa naFa­rao, akati, Basa renyu nderei?34Muti, Varanda venyu vaiva vapfuwi vezvipfuwo kubva paucheche hwedu kusvikira zvino, isu namadzibaba edu; kuti mugare munyika yeGosheni, nekuti vafudzi vose vanonyangadza vaEgipita.