Shona

Isaiah

1

1Zvakaonekwa naIsaya, mwanakomana waAmozi, zvaakaona pamusoro paJudha neJerusaremu, pamazuva aUziya, naJotamu, naAhazi, naHezekia, madzimambo avaJudha.2Inzwa denga rose, teerera iwe nyika, nekuti Jehovha akataura, achiti, Ndakarera nokukurisa vana, asi vakandimukira.3Nzombe inoziva muridzi wayo, nembongoro inoziva chidyiro chavatenzi vayo; asi Isiraeri havazivi, vanhu vangu havarangariri.4Haiwa, rudzi runotadza, vanhu vakaremerwa nezvakaipa, vana vavaiti vezvakaipa, vana vanoita zvakaora! Vakasiya Jehovha, vakashora Mutsvene waIsiraeri, vadzokera shure.5Munoda kugara muchiroverweiko, zvamunongoramba muchimukira Jehovha? Musoro wose unorwadza, nomoyo wose waziya.6Kubvira parutsoka kusvikira kumusoro hapana pakukutu pauri; asi maronda, napakakuvara, namavanga matsva, haana kusvimwa, haana kuputirwa, kana kunyoroveswa namafuta.7Nyika yenyu yaparadzwa, maguta enyu apiswa nomoto, nyika yenyu yopedzwa navatorwa imwi muripo, yaparadzwa, sezvinoparadza vatorwa.8Mukunda weZiyoni wasiiwa sedumba mumunda wemizambiringa, sechirindo mumunda wamagaka, seguta rakakombwa nehondo.9Dai Jehovha wehondo asina kutisiira vakasara vashomashoma, tingadai takafanana neSodhoma, takaita seGomora.10Inzwai shoko raJehovha, imwi vabati veSodhoma; teererai murayiro waMwari wedu, imwi vanhu veGomora.11Zvanzi naJehovha, Zvibayiro zvenyu zvizhinji zvinondibatsirei? Ndagutisa zvipiriso zvenyu zvinopiswa zvamakondobwe, namafuta ezvipfuwo zvakakodzwa; handifadzwi neropa renzombe, kana ramakwayana, kana renhongo.12Kana muchiuya kuzondiona, ndianiko anoreva izvozvo pamaoko enyu, kuti mutsike mavazhe angu?13Musazouyazve nezvipo zvisina maturo; zvinonhuhwira zvinondinyangadza; nguva dzokugara komwedzi nedzamasabata, nedzokukokera ungano, handizvidi; zvakaipa, kunyange neungano tsvene.14Nguva dzenyu dzokugara komwedzi nemitambo yenyu zvinovengwa nomweya wangu; zvinondinetsa; ndaneta nokutambudzika nazvo.15Kana muchitambanudza maoko enyu, ndichakuvanzirai chiso changu; zvirokwazvo, kana muchiwanza minyengetero, handinganzwi; maoko enyu azere neropa16Shambai; muzvinatse; bvisai zvakaipa zvamabasa enyu pamberi pangu; regai kuramba muchiita zvakaipa;17dzidzai kuita zvakanaka; tsvakai kururamisira, batsirai vanomanikidzwa, ruramisirai nherera, mureverere chirikadzi.18Chiuyai zvino, titaurirane, ndizvo zvinotaura Jehovha; kunyange zvivi zvenyu zvikaita somucheka mutsvuku, zvichachena sechando; kunyange zviri zvishava somuti mushava, zvichaita samakushe amakwai.19Kana muchida, muchiteerera, muchadya zvakanaka zvenyika;20asi kana muchiramba, muchindimukira, muchaparadzwa nomunondo; nekuti muromo waJehovha wakataura izvozvo.21Haiwa, guta rakatendeka rashanduka chifeve sei! Iro rakanga rizere nokururamisa! Kururama kwaigara mariri, asi zvino mogara vaurayi.22Sirivha yako ava marara, waini yako yakavhenganiswa nemvura.23Machinda ako akamukira Jehovha, ishamwari dzembavha; mumwe nomumwe anoda fufuro, anovinga mibairo; havaruramisiri nherera, mhaka yechirikadzi haitambwi navo.24Saka zvanzi naShe, Jehovha wehondo, iye Wamasimba wavaIsiraeri, Ndichapedza shungu dzangu pamusoro pavadzivisi vangu, ndichazvitsivira pamusoro pavavengi vangu;25ndichatambanudza ruoko rwangu kwauri, ndinatse chose marara ako, ndichabvisa tini yako.26Ndichadzosera vatongi vako vave sapakutanga, namakurukota ako sapakutanga; shure kwaizvozvo uchanzi Guta rokururama, musha wakatendeka.27Ziyoni richadzikunurwa nokururamiswa, navanodzoka mariri nokururama.28Asi vadariki navatadzi vachaparadzwa pamwechete, vanosiya Jehovha, vachapedzwa.29nekuti vachanyadziswa pamusoro pemiti yemiouki yamaifarira, muchava nenyadzi pamusoro peminda yamakasanangura.30nekuti muchava somouki wasvava mashizha, uye somunda usine mvura.31Ane simba achava sorwonzi, nebasa rake sesasaradzi dzomoto; zvose zviviri zvichatsva pamwechete, hakuna angazvidzimura.