1Shoko rakaonekwa naIsaya, mwa nakomana waAmozi, pamusoro paJudha neJerusaremu.2Pamazuva okupedzisira zvichaitika kuti gomo reimba yaJehovha richasimbiswa pamusoro pamakomo, richakwiridzwa kupfuura zvikomo; marudzi ose achamhanyira kwariri.3Vanhu vazhinji vachaendako vachiti, Uyai, ngatikwire kugomo raJehovha, kuimba yaMwari waJakove; iye achatidzidzisa nzira dzake, tichafamba mumakwara ake; nekuti murayiro uchabva paZiyoni, shoko raJehovha richabva Jerusaremu.4Iye achatonga pakati pamarudzi, nokururamisira vanhu vazhinji; vachapfura minondo yavo vachiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti; rumwe rudzi harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa.5Iwe imba yaJakove, uyai tifambe muchiedza chaJehovha.6nekuti imwi Jehovha makasiya vanhu venyu veimba yaJakove, nekuti vazere netsika dzinobva mabvazuva, vanouka savaFirisitia, vanobatana maoko navana vavatorwa.7Nyika yavo izere nesirivha nendarama, fuma yavo haiperi; nyika yavo izerewo namabhiza, nengoro dzavo dzokurwa hadziperi.8Nyika yavo izerewo nezvifananidzo; vanonamata zvakaitwa namaoko avo, izvo zvakaitwa nemimwe yavo.9Vanhu vaduku vakakotamiswa, navakuru vakaninipiswa; saka musavakangamwira.10Pinda mudombo uvande,muguruva, nokuda kwaJehovha anotyisa, uye nokuda kokubwinya koumambo hwake.11Kuzvikudza kwavanhu kuchaderedzwa, namanyawi avanhu achaninipiswa, Jehovha oga achakudzwa nezuva iro.12nekuti Jehovha wehondo ane zuva rake pamusoro pavose vanodada navanozvikudza, navana manyawi; vachaderedzwa;13napamusoro pemisidhari yose yeRebhanoni yakareba yakakwirira; napamusoro pamiouki yose yeBhashani,14napamusoro pamakomo ose marefu, napamusoro pezvikomo zvose zvakakwirira,15napamusoro peshongwe dzose refu, napamusoro pamasvingo ose akasimbiswa,16napamusoro pezvikepe zvose zveTarishishi, napamusoro pezvifananidzo zvose zvinofadza.17Ukuru hwevanhu huchakotamiswa, nokuzvikudza kwavanhu kuchaderedzwa; Jehovha oga achakudzwa nezuva iro.18Zvifananidzo zvichapera chose.19Vanhu vachapinda mumapako amatombo, nomumakomba muvhu, nokuda kwaJehovha anotyisa, uye nokuda kokubwinya koumambo hwake, kana achisimuka kuzunungusa nyika nesimba.20Nezuva iro vanhu vacharasa zvifananidzo zvavo zvesirivha nezvifananidzo zvavo zvendarama, zvavakazviitira kuti vazvinamate, vachizviisa kunhuta nezviremwaremwa;21vapinde mumapako amatombo, nomumikaha yamatombo makuru, nokuda kwaJehovha anotyisa, uye nokuda kokubwinya koumambo hwake, kana achisimuka kuzunungusa nyika nesimba.22Regai munhu, anokufema mumhino dzake; nekuti anobatsireiko?